Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Judhasi anopandukira Jesu

1. Zvino Mutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso, unonzi Pasika, wakanga woswedera,

2. uye vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka nzira yavangabata nayo Jesu, nokuti vakanga vachitya vanhu.

3. Ipapo Satani akapinda muna Judhasi, ainzi Iskarioti, mumwe wavane gumi navaviri.

4. Uye Judhasi akaenda kuvaprista vakuru navakuru vavarindi vetemberi akandorangana navo kuti angapandukira Jesu sei.

5. Vakafara uye vakatenderana kuti vaizomupa mari.

6. Akatenda, akatsvaka mukana wokuti aise Jesu kwavari pasina vanhu vazhinji.

Chirariro Chokupedzisira

7. Ipapo zuva reZvingwa Zvisina Mbiriso rakasvika, iro raifanira kubayirwa gwayana rePasika.

8. Jesu akatuma Petro naJohani, achiti, “Endai mundotigadzirira Pasika tidye.”

9. Vakati, “Munoda kuti tikugadzirirei kupiko?”

10. Iye akapindura akati, “Pamunopinda muguta, muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Mumutevere iyeye kuimba yaanosvikopinda,

11. mugoti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ari kubvunza kuti: Imba yavaeni iripiko, umo mandingadyira Pasika navadzidzi vangu?’

12. Achakuratidzai imba huru yapamusoro, yakarongedzwa zvose. Mugadzire imomo.”

13. Vakaenda vakandowana zvinhu zvakangoita sezvavakanga vaudzwa naJesu. Saka vakagadzira Pasika imomo.

14. Nguva yakati yasvika, Jesu navapostori vake vakagara patafura.

15. Uye akati kwavari, “Ndanga ndichidisa kwazvo kuti ndidye Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika.

16. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyizve kusvikira yazadzisika muumambo hwaMwari.”

17. Akati atora mukombe, akavonga akati, “Torai mukombe uyu mugovane pakati penyu.

18. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazonwizve chibereko chomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”

19. Uye akatora chingwa, akavonga akachimedura, uye akavapa, achiti, “Uyu ndiwo muviri wangu wakapiwa kwamuri; itai izvi muchindirangarira.”

20. Saizvozvo, vakati vapedza chirariro akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu, rinodururirwa imi.

21. Asi ruoko rwaiye achandipandukira runeni patafura.

22. Mwanakomana woMunhu achaenda sezvazvakatemwa, asi ane nhamo munhu uyo anomupandukira.”

23. Vakatanga kubvunzana pakati pavo kuti angava ani pavari angaita chinhu ichi.

24. Uyewo nharo dzakamuka pakati pavo dzokuti ndiani wavo aifungidzirwa kuti angava mukuru wavose.

25. Jesu akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo; uye vaya vanobata nesimba pamusoro pavo vanozviti vabatsiri.

26. Asi imi hamufaniri kuita saizvozvo. Asi, mukuru pakati penyu mose anofanira kuva somuduku kuna vose, uye uyo anotonga ngaaite souya anoshanda.

27. Nokuti ndianiko mukuru kuno mumwe, uyo agere patafura kana kuti uya anoshanda? Ko, haazi iye agere patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu saiye anoshanda.

28. Imi ndimi vaya vakamira neni pamiedzo yangu.

29. Uye ndinokupai umambo, sababa vangu vakandipa umambo,

30. kuitira kuti mugodya nokunwa patafura yangu muumambo hwangu, mugogara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi gumi navaviri avaIsraeri.

31. “Simoni, Simoni, Satani akumbira kuti akuzungure segorosi.

32. Asi ndakunyengeterera, Simoni, kuti rutendo rwako rurege kupera. Uye paunenge watendeuka, usimbise hama dzako.”

33. Asi iye akapindura akati, “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mutorongo uye kufa nemi.”

34. Jesu akapindura akati, “Petro, ndinoti kwauri, jongwe risati rarira nhasi, ucharamba iwe katatu, kuti unondiziva.”

35. Ipapo Jesu akabvunza akati, “Pandakakutumai musina chikwama, hombodo kana shangu pane chinhu chamakashayiwa here?”Ivo vakati, “Hapana.”

36. Akati kwavari, “Asi iye zvino kana une chikwama, chitore, uyewo nehombodo; uye kana usina munondo, tengesa nguo yako ugoutenga.

37. Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Iye akaverengwa pamwe chete navadariki’ uye ndinoti kwamuri, izvi zvinofanira kuzadziswa mandiri. Hongu, zvakanyorwa pamusoro pangu zvava kusvika pakuzadziswa.”

38. Vadzidzi vakati, “Tarirai, Ishe, heyi minondo miviri.”Akapindura akati, “Zvaringana.”

Jesu anonyengetera paGomo reMiorivhi

39. Jesu akabuda sezvaaisiita mazuva ose akaenda kuGomo reMiorivhi, uye vadzidzi vake vakamutevera.

40. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda mukuedzwa.”

41. Akabva pavari akaenda mberi kwavo chinhambwe chingasvika dombo rapotserwa, akapfugama ndokunyengetera achiti,

42. “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”

43. Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari uye akamusimbisa.

44. Uye ari pakutambudzika, akanyengetera zvikuru, uye ziya rake rakanga rakaita samadonhwe eropa anodonhera pasi.

45. Akati achisimuka kubva pakunyengetera, akadzokera kuvadzidzi, akasvikovawana vavata, vaneteswa nokusuwa.

46. Akasvikovabvunza achiti, “Seiko mavata? Mukai munyengetere kuti murege kuwira mukuedzwa.”

Kusungwa kwaJesu

47. Achiri kutaura, vanhu vazhinji vakasvika, uye uya ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akanga achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode,

48. asi Jesu akamubvunza akati, “Judhasi, uri kupandukira Mwanakomana woMunhu nokutsvoda here?”

49. Vateveri vaJesu vakati vaona zvakanga zvoda kuitika vakati, “Ishe, tivabaye neminondo yedu here?”

50. Uye mumwe wavo akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi.

51. Asi Jesu akapindura achiti, “Zvaringana!” Uye akabata nzeve yomurume uya akamuporesa.

52. Ipapo Jesu akati kuvaprista vakuru navabati vaichengeta temberi, navakuru vakanga vamuvinga, “Ko, ini ndiri mupanduki mukuru here, zvamauya neminondo netsvimbo?

53. Mazuva ose ndakanga ndinemi mutemberi, uye hamuna kundibata. Asi ino ndiyo nguva yenyu, yokutonga kwerima.”

Petro anoramba Jesu

54. Ipapo vakamubata, vakaenda naye vakandomuisa mumba momuprista mukuru. Petro akamutevera ari nechokure.

55. Asi vakati vabatidza moto pakati poruvazhe uye vagara pasi pamwe chete, Petro akagara pakati pavo.

56. Musikana akanga ari mushandi akamuona agerepo muchiedza chomoto. Akamunan'anidza akati, “Murume uyu aivawo naJesu.”

57. Asi iye akaramba izvozvo uye akati, “Iwe mukadzi, handimuzivi ini.”

58. Kwapera chinguvana, mumwezve akamuona akati, “Newewo uri mumwe wavo.”Petro akapindura akati, “Iwe murume, handizi!”

59. Shure kweawa imwe chete mumwezve akauya akati, “Zvirokwazvo munhu uyu akanga anaye, nokuti muGarirea.”

60. Petro akapindura akati, “Iwe murume, handitombozivi zvauri kutaura nezvazvo!” Achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.

61. Ishe akatendeuka akatarisa akanyatsonanga Petro. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa kwaari naShe rokuti, “Nhasi jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”

62. Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.

Varindi vanoseka Jesu

63. Varume vakanga vachirinda Jesu vakatanga kumuseka nokumurova.

64. Vakamusunga kumeso vakati, “Profita! Ndiani akurova?”

65. uye vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji kwaari vachimutuka.

Jesu pamberi paPirato naHerodhi

66. Kuzoti kwaedza dare ravakuru vavanhu, vose vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, vakasangana pamwe chete, uye Jesu akamiswa pamberi pavo.

67. Vakati, “Kana uri Kristu, tiudze.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikakuudzai, hamunganditendi,

68. uye kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.

69. Asi kubva zvino, Mwanakomana woMunhu achagara kuruoko rworudyi rwaMwari ane simba.”

70. Vose vakabvunza vachiti, “Ko, zvino iwe ndiwe Mwanakomana waMwari here?”Iye akapindura akati, “Mareva zvakanaka, zvamati ndini iye.”

71. Ipapo vakati, “Tichadazve humwe uchapupu here? Tazvinzwa zvabva mumuromo make.”