Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Nhungamidzo

1. Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu,

2. sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri naavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko.

3. Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa,

4. kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

Kuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi kunoziviswa

5. Panguva yaHerodhi mambo weJudhea kwakanga kuno muprista ainzi Zekaria, akanga ari weboka rouprista hwaAbhija; mukadzi wake Erizabheti akanga ari chizvarwa chaAroni.

6. Vose vakanga vakarurama pamberi paMwari, vachichengeta mirayiro yaShe yose nezvaakatema, vasina zvavangapomerwa.

7. Asi vakanga vasina vana, nokuti Erizabheti akanga asingabereki; uye vose vari vaviri vakanga vachembera kwazvo.

8. Mumwe musi Zekaria akati ari pabasa reboka rake uye achibata somuprista pamberi paMwari,

9. akasarudzwa nomujenya, maererano netsika youprista, kuti aende andopisa zvinonhuwira mutemberi yaShe.

10. Uye nguva yokupisa zvinonhuwira yakati yasvika, vanamati vose vakaungana panze vachinyengetera.

11. Ipapo mutumwa waShe akazviratidza kwaari, akamira kurutivi rworudyi rwearitari yezvinonhuwira.

12. Zekaria akati achimuona, akavhunduka uye akabatwa nokutya.

13. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Zekaria; munyengetero wako wanzwikwa. Mukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Johani.

14. Iye achava mufaro nokufarisisa kwamuri, uye vazhinji vachafara nokuda kwokuberekwa kwake,

15. nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake.

16. Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo.

17. Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.”

18. Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.”

19. Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe uye kuti ndizokuudza nhau dzakanaka idzi.

20. Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”

21. Zvichakadaro, vanhu vakanga vakamirira Zekaria vakashamiswa kuti akanga atora nguva yakareba kudai seiko ari mutemberi.

22. Akati abuda, akasagona kutaura navo. Vakazviona kuti akanga aona chiratidzo mutemberi, nokuti akaramba achitaura navo namaoko, uye akaramba ari chimumumu asingagoni kutaura.

23. Nguva yokushumira kwake yakati yapera, akadzokera kumba kwake.

24. Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akaramba akazvivanza kwemwedzi mishanu.

25. Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.”

Kuzvarwa kwaJesu kunoziviswa

26. Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea,

27. kumhandara yakanga yatsidzira kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria.

28. Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.”

29. Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii.

30. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari.

31. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu.

32. Iye achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi,

33. uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.”

34. Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?”

35. Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba roWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari.

36. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki.

37. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.”

38. Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari.

Maria anoshanyira Erizabheti

39. Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea,

40. uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti.

41. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene.

42. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara!

43. Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri?

44. Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro.

45. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!”

Rwiyo rwaMaria

46. Maria akati:“Mwoyo wangu unokudza Ishe

47. uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu,

48. nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake.Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa,

49. nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru,zita rake idzvene.

50. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya,kubva kumarudzi kusvikira kuna mamwe marudzi.

51. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake;akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.

52. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo,asi akasimudzira vanozvininipisa.

53. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka,asi akadzinga vapfumi vasina chinhu.

54. Akabatsira muranda wake Israeri,achirangarira kuva nengoni,

55. kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi,kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.”

56. Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye ipapo akazodzokera zvake kumusha.

Kuzvarwa kwaJohani Mubhabhatidzi

57. Nguva yakati yasvika yokuti Erizabheti ave nomwana wake, akazvara mwana mukomana.

58. Vavakidzani vake nehama dzake vakanzwa kuti Ishe akanga amunzwira ngoni huru, vakafara pamwe chete naye.

59. Pazuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, uye vakanga vachizomutumidza zita rababa vake Zekaria,

60. asi mai vake vakati, “Kwete! Anofanira kunzi Johani.”

61. Ivo vakati kwaari, “Pakati pehama dzenyu hapana munhu ane zita iroro.”

62. Ipapo vakataura namaoko kuna baba vake, kuti vazive zita raaida kupa mwana.

63. Iye akavakumbira pokunyorera, akanyora kuti “Zita rake ndiJohani” uye vose vakashamiswa nazvo.

64. Pakarepo muromo wake wakazarurwa uye rurimi rwake rukasunungurwa, akatanga kutaura, achirumbidza Mwari.

65. Vavakidzani vose vakazadzwa nokutya, nomunyika yose yezvikomo yeJudhea vanhu vakataura pamusoro pezvinhu izvi zvose.

66. Munhu wose akazvinzwa akashamiswa nazvo, vakati, “Mwana uyu achava akadiniko?” Nokuti ruoko rwaShe rwaiva naye.

Rwiyo rwaZekaria

67. Zekaria baba vake vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakaprofita vachiti:

68. “Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe,nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.

69. Iye akatisimudzira runyanga rworuponeso muimba yomuranda wake Dhavhidhi,

70. sezvaakataura kubudikidza navaprofita vake vatsvene vekare,

71. iko kuponeswa kubva kuvavengi vedu naparuoko rwavose vanotivenga,

72. kunzwira madzibaba edu ngoni nokurangarira sungano yake tsvene,

73. mhiko yaakapikira baba vedu Abhurahama:

74. kutinunura kubva muruoko rwavavengi vedu,uye kutigonesa kuti timushumire tisingatyi,

75. muutsvene nokururama pamberi pake mazuva edu ose.

76. “Uye iwe, mwana wangu, uchanzi muprofita woWokumusoro-soro;nokuti uchatungamira pamberi paShe kuti umugadzirire nzira,

77. kuti ape vanhu vake ruzivo rworuponeso kubudikidza nokuregererwa kwezvivi zvavo,

78. nokuda kwomwoyo munyoro waMwari wedu,naye zuva richatibudira richibva kudenga,

79. kuti rivhenekere pamusoro paavo vagere murima nomumumvuri worufu,uye kuti usesedze tsoka dzedu munzira yorugare.”

80. Uye mwana akakura akava nesimba mumweya; uye akagara mugwenga kusvikira azoonekwa pachena kuvaIsraeri.