Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mufananidzo woMukushi

1. Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa.

2. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, ipapo vanhu vakamira kumahombekombe.

3. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.

4. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya.

5. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika.

6. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.

7. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga.

8. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.

9. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”

10. Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”

11. Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.

12. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.

13. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo:“Kunyange vachiona asi havaoni,kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.

14. Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:“ ‘Muchangoramba muchinzwaasi musinganzwisisi;muchangoramba muchionaasi musingaonesesi.

15. Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,havatombonzwi nenzeve dzavo,uye vakatsinzina meso avo.Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo,vakanzwisisa nemwoyo yavo,vakapinduka,uye ndigovaporesa.’

16. Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.

17. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.

18. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:

19. Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.

20. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.

21. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.

22. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko.

23. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”

Mufananidzo waMasawi

24. Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.

25. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.

26. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.

27. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’

28. “Iye akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ ”“Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’

29. “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.

30. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ”

Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi neweMbiriso

31. Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.

32. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi kana painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”

33. Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, igoita kuti furawa iyi ifute.”

34. Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.

35. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”

Kududzirwa kwoMufananidzo waMasawi

36. Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzisi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”

37. Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.

38. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,

39. muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.

40. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika.

41. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.

42. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.

43. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Mufananidzo wePfuma Yakavigwa noweParera

44. “Umambo hwaMwari hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.

45. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka.

46. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.

Mufananidzo woUsvasvi

47. “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.

48. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa.

49. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama,

50. uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”

51. Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?”Vakapindura vakati, “Hongu.”

52. Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”

Muprofita haakudzwi munyika yake

53. Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.

54. Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?

55. Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanun'una vake vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?

56. Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”

57. Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”

58. Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.