Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Johani Mubhabhatidzi anogurwa musoro

1. Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu

2. uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”

3. Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, munun'una wake,

4. sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”

5. Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.

6. Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,

7. zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.

8. Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”

9. Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,

10. ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.

11. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro uye ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.

12. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.

Jesu anopa vanhu zviuru zvishanu zvokudya

13. Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa ari oga akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.

14. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaponesa varwere vavo.

15. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”

16. Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”

17. Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”

18. Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”

19. Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi uye vadzidzi vakapa vanhu.

20. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.

21. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.

Jesu anofamba pamusoro pemvura

22. Pakarepo Jesu akaudza vadzidza vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.

23. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,

24. asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.

25. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.

26. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”

27. Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”

28. Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”

29. Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.

30. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”

31. Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”

32. Uye vakati vapinda mugwa, mhepo ikanyarara.

33. Zvino vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”

34. Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.

35. Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari

36. uye vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.