Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mufananidzo waVashandi muMunda weMizambiringa

1. “Nokuti umambo hwokudenga hwakafanana nomuridzi womunda akabuda mangwananingwanani kundotsvaka vanhu vokuti vazoshanda mumunda wake wemizambiringa.

2. Akabvumirana navo kuti aizovapa dhinari pazuva, ndokubva avaendesa mumunda wake wemizambiringa.

3. “Nenguva inenge yechitatu akabuda ndokuona vamwe vamire pamusika vasina chavaiita.

4. Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa, ndichakupai zvakakodzera.’

5. Saka vakaenda.“Akabudazve nenguva dzinenge dzechitanhatu nedzepfumbamwe akaita zvimwe chetezvo.

6. Nenguva inenge yegumi neimwe akabuda akawanazve vamwe vamire. Akavabvunza achiti, ‘Seiko, maswera makangomira pano zuva rose musina chamuri kuita?’

7. “Vakapindura vachiti, ‘Nokuti hapana munhu atipa basa.’ Akati kwavari, ‘Nemiwo endai mundoshanda mumunda wangu wemizambiringa.’

8. “Akati ava madekwana, muridzi womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi ugovapa mubayiro wavo, uchitanga navapedzisira kupiwa basa kusvikira kune vokutanga.’

9. “Vashandi vainge vaenda kundoshanda nenguva inenge yegumi neimwe vakauya uye mumwe nomumwe wavo akagamuchira dhinari.

10. Saka pakasvika vaya vakanga vatanga kushanda, vakatarisira kupiwa zvakawanda. Asi mumwe nomumwe wavo akapiwa dhinari.

11. Vakati vagamuchira mari iyi vakatanga kutsutsumwira muridzi womunda.

12. Vakati, ‘Varume ava vapedzisira vangoshanda awa imwe chete, asi mavaenzanisa nesu tatakura mutoro webasa uye tikapiswa nezuva.’

13. “Asi akapindura mumwe wavo achiti, ‘Shamwari, handina chandakukanganisira. Ko, hauna kutenderana neni kushandira dhinari here?

14. Tora mubayiro wako uende. Ndinoda kupa munhu ashanda kwokupedzisira zvakafanana nezvandakupa.

15. Ko, handina kodzero here yokuita zvandinoda nemari yangu? Kana kuti iwe une godo nokuda kwokupa kwangu zvakawanda.’

16. “Saka vokupedzisira vachava vokutanga uye vokutanga vachava vokupedzisira.”

Jesu anovaudzazve nezvorufu rwake

17. Zvino Jesu paakanga achikwira kuJerusarema, akatora vadzidzi vake gumi navaviri parutivi akati kwavari,

18. “Tiri kukwira kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu

19. uye vagomuisa kuvaHedheni kuti asekwe agorohwa uye arovererwe pamuchinjikwa. Pazuva retatu achamutswa kuti ave mupenyu!”

Chikumbiro chaMai

20. Ipapo mai vavanakomana vaZebhedhi vakauya kuna Jesu navanakomana vavo, vakapfugama pamberi pake vaine chikumbiro.

21. Akabvunza akati, “Munodeiko?” Ivo vakati, “Itaiwo kuti mumwe wavanakomana vangu vaviri ava agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”

22. Jesu akati, kwavari, “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Mungagona kunwa mukombe wandichazonwa here?” Vakapindura vachiti, “Tinogona.”

23. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo muchanwa mumukombe wangu, asi zvokuti mugare kurudyi kana kuruboshwe rwangu, handisini ndinopa. Nzvimbo idzi ndedzaavo vakadzigadzirirwa naBaba vangu.”

24. Vane gumi vakati vanzwa izvi vakatsamwira mukoma nomunun'una ava.

25. Jesu akavadana pamwe chete uye akati, “Munoziva kuti vatongi vavaHedheni vanobata ushe pamusoro pavo uye machinda avo makuru anoshandisa simba pamusoro pavo.

26. Ngazvirege kudaro kwamuri. Asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,

27. uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yenyu,

28. sezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”

Mapofu maviri anosvinudzwa

29. Jesu navadzidzi vake pavakabva kuJeriko, vanhu vazhinji kwazvo vakamutevera.

30. Varume vaviri vaiva mapofu vakanga vagere parutivi rwenzira, pavakanzwa kuti Jesu ainge apfuura nepo vakadanidzira vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

31. Vanhu vazhinji vakavatsiura vakavarayira kuti vanyarare, asi ivo vakanyanya kudanidzirisa, vachiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”

32. Jesu akamira akavadana, akavabvunza achiti, “Munoda kuti ndikuitirei chiiko?”

33. Vakapindura vachiti, “Ishe, tinoda kuona.”

34. Jesu akavanzwira tsitsi uye akabata meso avo. Pakarepo vakabva vaona uye vakamutevera.