Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zvinhu Zvakachena neZvisina Kuchena

1. Ipapo vanyori navaFarisi vakauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema uye vakamubvunza vachiti,

2. “Sei vadzidzi venyu vachityora tsika dzavakuru? Havashambi maoko avo vasati vadya!”

3. Jesu akavapindura achiti, “Ko, imi munotyorerei murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?

4. Nokuti Mwari akati, ‘Kudza baba vako namai vako’ uye, ‘Ani naani anotuka baba kana mai vake anofanira kuurayiwa.’

5. Asi imi munoti kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munozogamuchira kubva kwandiri, chava chipo chakakumikidzwa kuna Mwari,

6. haachafaniri kukudza baba vake nacho. Saizvozvo munoshayisa shoko raMwari simba nokuda kwetsika dzenyu.

7. Imi vanyengeri! Isaya akaprofita kwazvo pamusoro penyu achiti:

8. “ ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi mwoyo yavo iri kure neni.

9. Vanondinamata pasina;vachidzidzisa dzidziso nemirayiro yavanhu.’ ”

10. Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, “Teererai, munzwisise.

11. Icho chinopinda mumuromo momunhu hachimusvibisi, asi chinobuda mumuromo make ndicho chinomusvibisa.”

12. Ipapo vadzidzi vakauya kwaari vakamubvunza vachiti, “Munoziva here kuti vaFarisi vagumburwa pavanzwa shoko iri?”

13. Akapindura akati, “Muti mumwe nomumwe usina kusimwa naBaba vangu vokudenga uchadzurwa.

14. Vasiyei vakadaro, vatungamiriri vamapofu. Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, vose vachawira mugomba.”

15. Petro akati, “Titsanangurirei mufananidzo uyu.”

16. Jesu akavabvunza akati, “Nemiwo hamusati mava kunzwisisa?

17. Hamuoniwo here kuti chose chinopinda mumuromo chinopinda mudumbu chichizobuda kunze!

18. Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, izvozvi ndizvo zvinosvibisa munhu.

19. Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.

20. Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu, asi kudya asina kushamba maoko hazvimusvibisi.”

Kutenda kwoMukadzi muKenani

21. Jesu akabvapo akaenda kudunhu reTire neSidhoni.

22. Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”

23. Jesu haana chaakapindura. Ipapa vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Mudzingei nokuti ari kuramba achidanidzira kwatiri.”

24. Akati kwavari, “Ndakatumwa kumakwai akarasika eIsraeri chete.”

25. Mukadzi uya akauya akasvikopfugama pamberi pake akati, “Ishe, ndibatsireiwo!”

26. Akapindura akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana muchichikandira imbwa.”

27. Mukadzi uya akati, “Hongu Ishe, kunyange nembwa dzinodyawo zvimedu zvinodonha kubva patafura yatenzi wadzo.”

28. Ipapo Jesu akapindura akati, “Mai, mune kutenda kukuru! Chikumbiro chenyu chanzwikwa.” Mwanasikana wake akabva aporeswa kubva panguva iyoyo.

Jesu anopa vanhu zviuru zvina zvokudya

29. Jesu akabvapo akatevedza gungwa reGarirea. Ipapo akakwira mugomo akagara pasi.

30. Uye vanhu vazhinji vakauya kwaari navakaremara, mapofu, mhetamakumbo, mbeveve navamwe vazhinji, vakasvikovaisa patsoka dzake uye akavaporesa.

31. Vanhu vakashamiswa kuona mbeveve dzichitaura, mhetamakumbo dzichitwasanudzwa, vakaremara vachifamba namapofu achiona. Vakarumbidza Mwari weIsraeri.

32. Jesu akadana vadzidzi vake akati kwavari, “Ndiri kunzwa tsitsi pamusoro pavanhu ava; vanga vachingova neni kwamazuva matatu uye havachina chokudya. Handidi kuti ndivaendese vaine nzara nokuti vangaziya nenzara munzira.”

33. Vadzidzi vake vakapindura vachiti, “Ndokupi kwatingawana chingwa chinokwana vanhu vose ava muno musango makadai?”

34. Jesu akabvunza akati, “Mune zvingwa zvingani?” Ivo vakati, “Tine zvinomwe notuhove tushomashoma.”

35. Akarayira kuti vanhu vose vagare pasi.

36. Ipapo akatora zvingwa zvinomwe zviya nehove dziya, uye akati avonga, akazvimedura ndokuzvipa kuvadzidzi, ivowo ndokupa vanhu vose.

37. Vose vakadya vakaguta. Mushure, vadzidzi vakanhongera zvimedu zvakanga zvasara zvikazadza matengu manomwe.

38. Vanhu vakadya vaiva varume zviuru zvina, vakadzi navana vasingaverengerwi.

39. Mushure mokunge Jesu aendesa vanhu vazhinji ava, akapinda mugwa ndokubva aenda kudunhu reMagadhani.