Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jesu naJohani Mubhabhatidzi

1. Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.

2. Zvino Johani ari mutorongo akanga anzwa mabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake

3. kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana kuti totarisira mumwe?”

4. Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:

5. Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.

6. Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”

7. Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?

8. Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.

9. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura kwazvo muprofita.

10. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi:“ ‘Ndinotuma nhume yangu mberi kwakouye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.’

11. “Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.

12. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.

13. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.

14. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.

15. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

16. “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:

17. “ ‘Takakuridzirai hwamanda,asi hamuna kutamba;takaimba rwiyo rworufu,uye hamuna kuchema.’

18. “Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’

19. Mwanakomana woMunhu akanga achidya nokunwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”

Nhamo kumaguta asina kutendeuka

20. Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.

21. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.

22. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.

23. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi.

24. Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”

Zororo kune Vakaneta

25. Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.

26. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.

27. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.

28. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.

29. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.

30. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”