Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mateo 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Ishe weSabata

1. Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.

2. VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”

3. Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara?

4. Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.

5. Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?

6. Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.

7. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.

8. Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”

9. Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,

10. uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”

11. Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?

12. Ko, zvino munhu akakosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”

13. Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.

14. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.

Muranda akasarudzwa naMwari

15. Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.

16. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.

17. Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:

18. “Houno muranda wangu wandakasarudza,wandinoda, anondifadza;ndichaisa Mweya wangu paari,iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.

19. Haazokakavari kana kuridza mhere;hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.

20. Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori,nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi,kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.

21. Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”

Jesu naBheerizebhubhi

22. Ipapo vakauya kwaari nomunhu akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.

23. Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”

24. Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”

25. Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.

26. Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?

27. Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?

28. Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.

29. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba uye agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.

30. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.

31. Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.

32. Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya.

33. “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo.

34. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo.

35. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.

36. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

37. Nokuti namashoko ako uchapembedzwa, uye namashoko ako uchatongwa.”

Chiratidzo chaJona

38. Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”

39. Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.

40. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.

41. Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.

42. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.

43. “Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya.

44. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.

45. Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita norudzi urwu rwakaipa.”

Mai vaJesu naVanun'una Vake

46. Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanun'una vake vakamira panze vachida kutaura naye.

47. Mumwe akamuudza kuti, “Mai venyu navanun'una venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”

48. Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanun'una vangu ndivanaani?”

49. Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanun'una vangu.

50. Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munun'una wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”