Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 1 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Shoko rakava Nyama

1. Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari.

2. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga.

3. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa.

4. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu.

5. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.

6. Pakanga pano murume akatumwa achibva kuna Mwari; zita rake rainzi Johani.

7. Iye akauya sechapupu kuzopupurira chiedza chiya, kuitira kuti vanhu vatende kubudikidza naye.

8. Akanga asiri iye chiedza pachake; akauya chete ari sechapupu kuchiedza.

9. Chiedza chezvokwadi chinovhenekera vanhu vose chainge chichizouya munyika.

10. Akanga ari munyika, uye kunyange nyika yakaitwa kubudikidza naye, nyika haina kumuziva.

11. Akauya kuna avo vakanga vari vake, asi vokwake havana kumugamuchira.

12. Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,

13. vana vasina kuberekwa neropa kana nokufunga kwomunhu kana nokuda kwomurume, asi vakaberekwa naMwari.

14. Shoko rakava nyama uye rakagara pakati pedu. Takaona kubwinya kwake, kubwinya kwaIye Mumwe Oga, akabva kuna Baba, azere nenyasha uye nechokwadi.

15. Johani anopupura nezvake. Anodanidzira achiti, “Uyu ndiye uya wandakati, ‘Anouya mumashure mangu anondipfuura ini nokuti akanditangira.’ ”

16. Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.

17. Nokuti murayiro wakapiwa kubudikidza naMozisi; nyasha nezvokwadi zvakauya kubudikidza naJesu Kristu.

18. Hakuna akamboona Mwari, asi Mwanakomana Iye Mumwe Oga, ari pachipfuva chaBaba, akaita kuti azivikanwe.

Johani Mubhabhatidzi anoti haasi iye Kristu

19. Zvino uku ndiko kwaiva kupupura kwaJohani vaJudha veJerusarema pavakatuma vaprista navaRevhi kuti vanomubvunza kuti iye aimbova ani.

20. Haana kurega kupupura, asi akanyatsopupura pachena achiti, “Handisini Kristu.”

21. Vakamubvunza vakati, “Zvino ndiwe aniko? Ndiwe Eria here?”Iye akati, “Handizi iye.”“Uri muprofita here?”Akapindura akati, “Kwete.”

22. Pakupedzisira vakati, “Ndiwe aniko? Tipindure tigondotaurira vatituma. Unozviti aniko?”

23. Johani akapindura namashoko omuprofita Isaya achiti, “Ndini inzwi reanodana murenje, richiti, ‘Ruramisai nzira yaShe.’ ”

24. Zvino vamwe vaFarisi vakanga vatumwa

25. vakamubvunza vachiti, “Seiko zvino uchibhabhatidza kana usiri Kristu, kana Eria uye kana Muprofita?”

26. Johani akapindura akati, “Ini ndinobhabhatidza nemvura, asi pakati penyu pamire mumwe wamusingazivi.

27. Ndiye anouya shure kwangu, handikodzeri kusunungura rukanda rweshangu dzake.”

28. Izvi zvose zvakaitika paBhetani mhiri kwaJorodhani, uko kwaibhabhatidzira Johani.

Jesu Gwayana raMwari

29. Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!

30. Ndiye wandaireva pandakati, ‘Murume anouya shure kwangu akandipfuura nokuti akanditangira.’

31. Ini pachangu ndakanga ndisingamuzivi, asi zvandakauyira ndichibhabhatidza nemvura ndezvokuti iye aratidzwe kuIsraeri.”

32. Ipapo Johani akapupura uchapupu uhu achiti, “Ndakaona mweya achiburuka kubva kudenga akaita senjiva akamhara pamusoro pake.

33. Ndingadai ndisina kumuziva, asi uya akandituma kuti ndizobhabhatidza nemvura ndiye akandiudza achiti, ‘Murume uyo waunoona Mweya achiburuka uye achigara paari, ndiye achazovabhabhatidza noMweya Mutsvene.’

34. Ndazviona uye ndinopupura kuti uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”

Vadzidzi Vokutanga vaJesu

35. Chifume chamangwana Johani akanga aripozve navadzidzi vake vaviri.

36. Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”

37. Vadzidzi vaviri vakati vachimunzwa achitaura izvi, vakatevera Jesu.

38. Jesu akatendeuka akavaona vachitevera akavabvunza akati, “Munodeiko?”Ivo vakati, “Rabhi” (ndiko kuti Mudzidzisi), “munogarepiko?”

39. Akapindura akati, “Uyai muzokuona.”Saka vakaenda vakandoona paaigara, vakaswera naye kwezuva rimwe chete. Yakanga iri nguva inenge yegumi.

40. Andirea munun'una waPetro, ndiye wavamwe vaviri akanga anzwa zvakanga zvarehwa naJohani uye akanga atoteverawo Jesu.

41. Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya” (ndiko kuti Kristu).

42. Uye akauya naye kuna Jesu.Jesu akatarisa kwaari akati, “Ndiwe Simoni mwanakomana waJohani. Iwe uchanzi Kefasi” (ndiko kuti, kana zvichishandurwa, Petro).

Jesu anodana Firipi naNatanieri

43. Zuva rakatevera Jesu akafunga zvokuenda kuGarirea. Akati awana Firipi akati kwaari, “Nditevere.”

44. Firipi, aibvawo kuguta reBhetisaidha saAndirea naPetro,

45. Firipi akawana Natanieri akati kwaari, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.”

46. Natanieri akati, “Nazareta! Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?”Firipi akati, “Uya uone.”

47. Jesu akati achiona Natanieri achiuya, akati kwaari, “Houno muIsraeri wechokwadi, asina kunyengera maari.”

48. Natanieri akamubvunza akati, “Mandiziva seiko?”Jesu akapindura akati, “Ndakuona pawanga uri pasi pomuonde Firipi asati akudana.”

49. Ipapo Natanieri akati, “Rabhi, ndimi Mwanakomana waMwari; ndimi Mambo weIsraeri.”

50. Jesu akati, “Unotenda nokuti ndakuudza kuti ndakuona uri pasi pomuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kupinda izvozvo.”

51. Ipapo akatizve, “Ndinokuudzai chokwadi, muchaona denga richizaruka, uye vatumwa vaMwari vachikwira nokuburuka pamusoro poMwanakomana woMunhu.”