Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jesu anoshambidza Tsoka dzaVadzidzi Vake

1. Mutambo wePasika wakanga uchigere kusvika. Jesu akanga achiziva kuti nguva yakanga yasvika yokuti iye abve panyika uye kuti aende kuna Baba. Sezvo akanga achida vake avo vakanga vari munyika, akavaratidza zvino kuzara kworudo rwake.

2. Kudya kwamadekwana kwakanga kwava kugoverwa, uye dhiabhori akanga aisa mumwoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, pfungwa yokuti apandukire Jesu.

3. Jesu akanga achiziva kuti Baba vakanga vaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari uye kuti aidzokerazve kuna Mwari,

4. saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake.

5. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.

6. Akasvika pana Simoni Petro, iye akati kwaari, “Ishe muri kuda kushambidza tsoka dzangu here?”

7. Jesu akapindura achiti, “Iwe hausi kuziva zvandiri kuita iye zvino, asi uchazvinzwisisa pashure.”

8. Simoni Petro akati, “Kwete, imi hamungatongoshambidzi tsoka dzangu.”Jesu akapindura akati, “Kana ndikasakushambidza, hauna mugove neni.”

9. Ipapo Simoni Petro akati, “Ishe, ngadzirege kuva tsoka dzangu bedzi asi maoko angu nomusoro wanguwo!”

10. Jesu akapindura akati, “Munhu anenge amboshamba muviri wose, anongoda bedzi kushamba tsoka dzake, muviri wake wose wakachena. Imi makachena, kunyange zvazvo musiri mose vakachena.”

11. Nokuti aiziva kuti ndiani aizomupandukira, ndokusaka akati, havasi vose vakanga vakachena.

12. Akati apedza kushambidza tsoka dzavo, akapfeka nguo dzake akadzokera panzvimbo yake. Akavabvunza akati, “Munonzwisisa here zvandaita kwamuri?

13. Munondidaidza kuti ‘Mudzidzisi’ uye ndizvozvo chaizvo, nokuti ndizvo zvandiri.

14. Zvino kana ini, Ishe wenyu noMudzidzisi wenyu, ndashambidza tsoka dzenyu, nemiwo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.

15. Ndakupai muenzaniso kuti muite sezvandakuitirai imi.

16. Ndinokuudzai chokwadi kuti, muranda haasi mukuru kuna tenzi wake, uye atumwa haasi mukuru kupfuura amutuma.

17. Zvino zvamava kuziva zvinhu izvi, mucharopafadzwa kana mukazviita.

Jesu anotaura pamusoro poKupandukirwa Kwake

18. “Handirevi kwamuri mose; ini ndinoziva avo vandakasarudza. Asi uku ndiko kuzadzisa Rugwaro runoti, ‘Uyo anogovana neni chingwa andisimudzira chitsitsinho chake kuzorwa neni.’

19. “Ndiri kukuudzai iye zvino zvisati zvaitika, kuitira kuti pazvinoitika mugozotenda kuti ndini Iye.

20. Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anogamuchira ini anogamuchira iye akandituma.”

21. Shure kwokutaura izvozvo, Jesu akatambudzika mumweya uye akapupura achiti, “Ndinokuudzai chokwadi, mumwe wenyu achandipandukira.”

22. Vadzidzi vake vakatarisana vachida kuziva kuti ndiani airehwa pakati pavo.

23. Mumwe wavo, mudzidzi aidikanwa naJesu, akanga akasendamira paari.

24. Simoni Petro akaninira kumudzidzi uyu akati, “Vabvunzei kuti vanoreva ani.”

25. Akasendamirazve pana Jesu, akamubvunza akati, “Ishe, ndianiko?”

26. Jesu akati, “Ndiye wandichapa chimedu chechingwa kana ndachiseva mundiro.” Ipapo, akaseva chimedu chechingwa, akachipa kuna Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni.

27. Judhasi achangodya chingwa ichi, Satani akabva apinda maari. Jesu akati kuna Judhasi,“Zvaunoda kuita, ita nokukurumidza,”

28. asi hapana munhu akanga ari pakudya akanzwisisa kuti sei Jesu akanga ataura izvozvo kwaari.

29. Sezvo Judhasi aiva mubati wemari, vamwe vakafunga kuti Jesu aimuudza kuti andotenga zvimwe zvaidikanwa pamutambo, kana kupa varombo chimwe chinhu.

30. Judhasi akati achangodya chingwa, akabuda panze uye hwaiva usiku.

Jesu anozivisa zvoKurambwa Kwake naPetro

31. Akati aenda, Jesu akati, “Zvino Mwanakomana woMunhu akudzwa uye Mwari akudzwa maari.

32. Kana Mwari akudzwa maari, Mwari achakudza Mwanakomana maari uye achamukudza pakarepo.

33. “Vana vangu, ndichava nemi kwechinguva chiduku chete. Muchanditsvaka, uye sezvandaudza vaJudha, saizvozvo ndinokuudzai zvino kuti: Kwandinoenda, imi hamugoni kuuyako.

34. “Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.

35. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”

36. Simoni Petro akamubvunza akati, “Ishe, muri kuendepiko?”Jesu akapindura akati, “Kwandinoenda, imi hamugoni kutevera, asi muchazotevera pashure.”

37. Petro akati, “Ishe seiko ndisingakwanisi kukuteverai iye zvino? Ndichakufirai ini.”

38. Ipapo Jesu akapindura akati, “Uchandifira here? Ndinokuudza chokwadi kuti, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu!”