Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Ndakuudzai zvose izvi kuitira kuti murege kutsauka.

2. Vachakubudisai musinagoge; chokwadi ndechokuti, nguva iri kuuya yokuti munhu anokuurayai achafunga kuti ari kushandira Mwari.

3. Vachaita zvinhu zvakadai nokuti havana kuziva Baba kana ini.

4. Ndakuudzai izvi, kuitira kuti kana nguva yacho yasvika, imi mucharangarira kuti ndakakuyambirai. Handina kukutaurirai izvi pakutanga nokuti ndakanga ndinemi.

Basa raMweya Mutsvene

5. “Zvino ndava kuenda kuno akandituma, asi hakuna mumwe wenyu anondibvunza kuti, ‘Muri kuendepiko?’

6. Nokuti ndataura zvinhu izvi, mwoyo yenyu yazara neshungu.

7. Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai imi kuti ini ndava kuenda. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

8. Kana asvika achapa nyika mhosva pamusoro pechivi napamusoro pokururama nokutongwa:

9. pamusoro pechivi, nokuti vanhu havatendi kwandiri;

10. pamusoro pokururama, nokuti ndiri kuenda kuna Baba, kwamusingazondionizve;

11. uye pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino atotongwa.

12. “Ndine zvizhinji zvokutaura kwamuri, zvakawanda zvokuti hamungagoni kuzvitakura iye zvino.

13. Asi kana iye, Mweya wechokwadi, auya, achakutungamirirai muzvokwadi yose. Haangazotauri zvake; achataura zvaanenge anzwa chete, uye achakuudzai zvichauya.

14. Achauyisa kukudzwa kwandiri nokutora pane zvangu achizvizivisa kwamuri.

15. Zvose zvaBaba ndezvangu. Ndokusaka ndakati Mweya achatora zvangu agozvizivisa kwamuri.

16. “Muchinguva chiduku, hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona.”

Shungu dzavadzidzi dzichashanduka dzigova mufaro

17. Vamwe vadzidzi vake vakataurirana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondioni, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona,’ uye ‘Nokuti ndiri kuenda kuna Baba’?”

18. Vakaramba vachingobvunzana vachiti, “Anoreveiko kana achiti, ‘Chinguva chiduku’? Hatinzwisisi zvaanoreva isu.”

19. Jesu akaona kuti vaida kumubvunza pamusoro pazvo, saka akati kwavari, “Ko, muri kubvunzana pamusoro pezvandanga ndichireva here pandati, ‘Muchinguva chiduku hamuchazondionizve, uyezve shure kwechinguva chiduku muchandiona’?

20. Ndinokuudzai chokwadi, muchachema nokuungudza asi nyika ichifara. Muchava neshungu, asi shungu dzenyu dzichashanduka dzikava mufaro.

21. Mukadzi anopona mwana anorwadziwa nokuti nguva yake yasvika; asi kana mwana wake azvarwa, anokanganwa kurwadziwa kuya nokuda kwomufaro wokuti mwana azvarwa munyika.

22. Naizvozvo nemiwo zvino inguva yenyu yokusuwa, asi ndichakuonai zvakare uye muchafara, uye hakuna achakutorerai mufaro wenyu.

23. Pazuva iro hamuzondibvunzizve kana chinhu. Ndinokuudzai chokwadi, Baba vangu vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu.

24. Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.

25. “Kunyange ndanga ndichitaura nomufananidzo, nguva inouya yandisingazotauri nemifananidzo, asi ndichakuudzai pachena pamusoro paBaba vangu.

26. Pazuva iro, muchakumbira muzita rangu. Handisi kuti ndichakumbira Baba panzvimbo yenyu.

27. Kwete, Baba pachavo vanokudai nokuti makandida, uye makatenda kuti ndakabva kuna Mwari.

28. Ndakabva kuna Baba uye ndikapinda munyika; zvino ndava kusiya nyika uye ndava kudzokera kuna Baba.”

29. Ipapo vadzidzi vaJesu vakati, “Zvino mava kutaura pachena musingaiti nemifananidzo.

30. Zvino tava kuona kuti munoziva zvinhu zvose uye kuti hapana achafanira kuti akubvunzei mibvunzo. Izvi zvinoita kuti titende kuti makabva kuna Mwari.”

31. Jesu akapindura akati, “Mava kutenda here zvino?

32. Asi nguva iri kuuya, uye yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe achienda kumusha kwake. Muchandisiya ndiri ndoga. Asi handisi ndoga, nokuti Baba vangu vaneni.

33. “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.”