Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kusungwa kwaJesu

1. Akati apedza kunyengetera, Jesu akabva navadzidzi vake ndokuyambuka Mupata weKidhironi. Parutivi rwenzvimbo iyi paiva nebindu remiorivhi, uye iye navadzidzi vake vakapindamo.

2. Zvino Judhasi uyo akamupandukira, aiziva nzvimbo yacho, nokuti Jesu aichimbosanganamo navadzidzi vake.

3. Saka Judhasi akasvika kubindu, achitungamirira boka ravarwi navamwe vatariri vaibva kuvaprista vakuru nokuvaFarisi. Vakanga vane mwenje namarambi uye nezvombo.

4. Jesu, achiziva zvose zvakanga zvichizoitika kwaari, akabuda akaenda kwavari akati, “Ndianiko wamunoda?”

5. Vakapindura vakati, “Jesu weNazareta.”Jesu akati, “Ndini iye.” (Uye Judhasi mupanduki uya akanga amire navo ipapo.)

6. Jesu paakati, “Ndini iye,” vakasudurukira shure vakawira pasi.

7. Akapamhazve kuvabvunza akati, “Ndianiko wamunoda?”Uye ivo vakati, “Jesu weNazareta.”

8. Jesu akapindura akati, “Ndakuudzai kuti ndini iye. Kana muchitsvaka ini, zvino chiregai varume ava vaende.”

9. Izvi zvakaitika kuti mashoko aakanga ataura azadziswe, okuti: “Handina kurasikirwa nomumwe weava vamakandipa.”

10. Ipapo Simoni, uyo akanga ano munondo, akauvhomora akacheka muranda womuprista mukuru, akagura nzeve yake yokurudyi. (Zita romuranda uyo rainzi Marikusi.)

11. Jesu akarayira Petro achiti, “Isa munondo wako mumuhara! Ko, ndicharega kunwa mukombe wandapiwa naBaba here?”

Jesu anoendeswa kuna Anasi

12. Ipapo boka ravarwi navatariri vavaJudha vakabata Jesu vakamusunga.

13. Uye vakatanga kuenda naye kuna Anasi, uyo akanga ari tezvara waKayafasi, iye aiva muprista mukuru gore iroro.

14. Kayafasi uyu ndiye uya akapa vaJudha zano rokuti zvainge zvakanaka kuti munhu mumwe chete afire vanhu.

Kuramba kwaPetro kwokutanga

15. Simoni Petro nomumwe mudzidzi vainge vachitevera Jesu. Nemhaka yokuti mudzidzi uyu aizivikanwa nomuprista mukuru uyu, akapinda naJesu mudare redzimhosva romuprista mukuru,

16. asi Petro akasara kunze ari pamukova. Mumwe mudzidzi, aizivikanwa nomuprista mukuru, akadzoka akandotaura nomusikana aichengeta pamusuo ndokupinza Petro mukati.

17. Musikana akanga ari pamukova akabvunza Petro akati, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?”Iye akapindura akati, “Handizi.”

18. Kwaitonhora, saka varanda nevatariri vakamira vakadziya moto wavakanga vavesa kuti vadziyirwe. Petro akanga amirewo navo, achidziyawo moto.

Muprista Mukuru anobvunza Jesu

19. Panguva iyoyo, muprista mukuru akabvunza Jesu pamusoro pavadzidzi vake uye nezvedzidziso yake.

20. Jesu akapindura achiti, “Ndakataura pachena kunyika. Ndaigara ndichidzidzisa mumasinagoge kana patemberi, apo paiungana vaJudha vose pamwe chete. Handina kutaura chinhu muchivande.

21. Munondibvunzireiko? Bvunzai avo vakandinzwa. Zvirokwazvo vanoziva zvandakareva.”

22. Jesu akati ataura izvi, mumwe wavatariri vakanga vari pedyo naye akamurova kumeso. Akati, “Ndiyo nzira yaunopindura nayo muprista mukuru here?”

23. Jesu akapindura akati, “Kana ndataura chimwe chinhu chakaipa, taura kuti chakaipa ndechipi. Asi kana ndataura chokwadi, seiko wandirova?”

24. Ipapo Anasi akamuendesa, akasungwa kuna Kayafasi muprista mukuru.

Kuramba kwaPetro kwechipiri nokwechitatu

25. Simoni Petro achakamira achidziya moto, akabvunzwazve kuti, “Iwe hausi mumwe wavadzidzi vake here?”Akazviramba izvozvo, achiti, “Handizi.”

26. Mumwe wavaranda vomuprista mukuru, hama youya akanga agurwa nzeve yake naPetro, akamupikisa akati “Ko, handina kukuona unaye mubindu here?”

27. Petro akazvirambazve izvozvo, uye panguva iyoyo jongwe rakatanga kurira.

Jesu anomiswa pamberi paPirato

28. Ipapo vaJudha vakatungamirira Jesu kubva kuna Kayafasi vakaenda naye kumuzinda womubati weRoma. Zvino akanga achiri mangwanani, uye kuti varege kusvibiswa, vaJudha vakarega kupinda mumuzinda; vaida kuti vakwanise kuzodya Pasika.

29. Saka Pirato akabuda kwavari akavabvunza achiti, “Mhosva yomurume uyu ndeyeiko?”

30. Vakapindura vachiti, “Dai anga asiri mutadzi, tingadai tisina kuuya naye kwamuri.”

31. Pirato akati, “Mutorei imi mumutonge nomurayiro wenyu.” VaJudha vakaramba vachiti, “Asika, isu hatina mvumo yokuuraya munhu.”

32. Izvi zvakaitika kuitira kuti mashoko akanga ataurwa naJesu achiratidza mafiro aaizoita azadziswe.

33. Ipapo Pirato akadzokerazve mumuzinda, akadana Jesu uye akamubvunza akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”

34. Jesu akati, “Kufunga kwako woga here kana kuti vamwe vataura newe pamusoro pangu?”

35. Pirato akapindura achiti, “Ndiri muJudha here ini? Vanhu vako navaprista vako vakuru vauya newe kwandiri. Wakaiteiko?”

36. Jesu akapindura akati, “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino. Dai zvanga zvakadaro, varanda vangu vaizorwa kuti ndirege kusungwa navaJudha. Asi zvino umambo hwangu hunobva kune imwe nzvimbo.”

37. Pirato akati, “Saka uri mamboka!”Jesu akapindura akati, “Wataura zvakanaka pawati ndiri mambo. Chokwadi ndechokuti, ndizvo zvandakazvarirwa, uye nokuda kwaizvozvo ndakauya munyika, kuti ndizopupurira chokwadi. Ani naani anoda chokwadi anonditeerera.”

38. Pirato akamubvunza akati, “Chokwadi chiiko?” Akati ataura izvozvo akabudazve kunze kuvaJudha akati, “Handiwani hwaro hwemhosva yomurume uyu.

39. Asi itsika yenyu imi kuti ini ndikusunungurirei musungwa panguva yePasika. Munoda here kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha?”

40. Vakadanidzira vachiti, “Kwete, uyu! Tipei Bharabhasi!” Zvino Bharabhasi akanga ari gororo.