Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Johani 5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kuporeswa kwoMunhu paDziva reBhetesdha

1. Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha.

2. Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu.

3. Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo.

4. Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge yabvongodzwa mvura aiporeswa pachirwere chipi zvacho chaainge anacho.

5. Mumwe murume akanga arimo akanga arwara kwamakore makumi matatu namasere.

6. Jesu akati amuona avete imomo, uye aiziva kuti akanga aita mararamiro iwayo kwenguva refu, akamubvunza akati, “Unoda kuporeswa here?”

7. Murwere akati, “Ishe, handina munhu anondibatsira kuti ndipinde mudziva mvura painenge yabvongodzwa. Ndichiri kuedza kupinda, mumwe anonditangira.”

8. Ipapo Jesu akati kwaari, “Simuka! Tora rukukwe rwako ufambe.”

9. Pakarepo murume uyu akaporeswa; akatora rukukwe rwake akafamba. Zuva rakaitika izvi raiva reSabata.

10. Naizvozvo vaJudha vakati kumunhu uya akanga aporeswa, “Nhasi iSabata; murayiro unokurambidza kuti utakure rukukwe rwako.”

11. Asi iye akapindura akati, “Munhu andiporesa ati kwandiri, ‘Takura rukukwe rwako ufambe.’ ”

12. Saka vakamubvunza vakati, “Ndianiko munhu uyu akutaurira kuti urutakure ufambe?”

13. Munhu uya akanga aporeswa akanga asingazivi kuti ainge ari ani, nokuti Jesu akanga apinda mukati meungano yakanga iripo.

14. Shure kwaizvozvo, Jesu akamuwana ari mutemberi uye akati kwaari, “Tarira, wapora; Usatadzazve kuti urege kuwirwa nechimwe chinhu chakaipisisa.”

15. Murume akabva akaenda akandoudza vaJudha kuti ndiJesu akanga amuporesa.

Upenyu nokuMwanakomana

16. Saka nokuda kwokuti Jesu akanga achiita zvinhu izvi nomusi weSabata, vaJudha vakamutambudza.

17. Jesu akati kwavari, “Baba vangu vanoramba vari pabasa ravo kusvikira nhasi chaiye, uye neniwo, ndiri kushanda.”

18. Nokuda kwaizvozvi, vaJudha vakaedza zvakanyanya kwazvo kuti vamuuraye; nokuti akanga asingaputsi Sabata chete, asi akanga achitiwo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.

19. Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, Mwanakomana haagoni kuita chinhu ari oga; anongogona kuita zvaanoona Baba vake vachiita, nokuti zvose zvinoitwa naBaba, Mwanakomana anozviitawo.

20. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanoita ivo. Hongu, kuti imi mushamiswe, vachamuratidza kunyange zvinhu zvikuru kwazvo kupfuura izvi.

21. Nokuti sezvo Baba vachimutsa vakafa uye vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopa upenyu kuno uyo waanofarira kuti ape.

22. Pamusoro paizvozvo, Baba havatongi munhu, asi vakapa mwanakomana kutonga kwose,

23. kuti vose vakudze Mwanakomana sokukudza kwavanoita Baba. Uyo asingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.

24. “Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.

25. Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama.

26. Nokuti sezvo Baba vano upenyu mavari, saizvozvowo vakapa Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.

27. Uye vakamupa simba rokuti atonge nokuti ndiye Mwanakomana woMunhu.

28. “Musashamiswa pane izvi, kuti nguva inouya apo vose vari mumakuva avo vachanzwa inzwi rake

29. uye vachamuka; vose vakaita zvakanaka vachamuka vachienda kuupenyu, uye avo vakaita zvakaipa vachamuka vachienda kukutongwa.

30. Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.

Zvapupu pamusoro paJesu

31. “Kana ndichizvipupurira, uchapupu hwangu hahuna maturo.

32. Pano mumwe anondipupurira, uye ndinoziva kuti uchapupu hwake pamusoro pangu ndohwechokwadi.

33. “Makatuma nhume kuna Johani naiye akapupurira chokwadi.

34. Hazvirevi kuti ndinogamuchira kupupura kwavanhu; asi ndareva izvi kuti muponeswe.

35. Johani akanga ari mwenje unopfuta nokuvhenekera, uye imi makasarudza kufara kwenguva duku muchiedza chake.

36. “Ndino uchapupu hukuru kupfuura hwaJohani. Nokuti iro basa chairo randakapiwa naBaba kuti ndiripedze, uye randiri kuita, rinondipupurira kuti Baba vakandituma.

37. Uye ivo Baba vakandituma vakapupura pachavo pamusoro pangu. Hamuna kutombonzwa inzwi ravo kana kuona chimiro chavo,

38. uye shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi iye waakatuma.

39. Munoshingaira kunzvera magwaro nokuti munofunga kuti mune upenyu husingaperi maari. Magwaro iwaya anopupura pamusoro pangu,

40. asi imi munoramba kuuya kwandiri kuti muve noupenyu.

41. “Handigamuchiri kurumbidza kunobva kuvanhu,

42. asi ndinokuzivai. Ndinoziva kuti hamuna rudo rwaMwari mumwoyo yenyu.

43. Ndakauya muzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri; asi kana mumwewo zvake akauya muzita rake, muchamugamuchira.

44. Mungatenda seiko kana muchikudzana pachenyu asi musingashingairiri kuwana kurumbidzwa kunobva kuna Mwari oga?

45. “Asi musafunga kuti ndichakupomerai mhosva pamberi paBaba. Mupomeri wenyu ndiMozisi, wamunoisa tariro yenyu maari.

46. Dai maitenda Mozisi, mungadai maitendawo ini, nokuti akanyora nezvangu.

47. Asi sezvo musingatendi zvaakanyora, muchatenda seiko zvandinoreva?”