Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Aritari yeZvipiriso Zvinopiswa

1. “Uvake aritari yamatanda omuakasia, makubhiti matatua pakukwirira kwayo; inofanira kuva namativi mana akaenzana, kureba kwayo makubhiti mashanub uye upamhi hwayo makubhiti mashanu.

2. Uite runyanga pamakona ayo mana, kuti nyanga nearitari zvive chinhu chimwe, uye ufukidze aritari nendarira.

3. Uite midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo kuti dzibvise madota, uye foshoro dzayo, mbiya dzokusasa nadzo, zvibayiso zvenyama uye makango apamoto.

4. Uyiitire chiparo, mumbure, ndarira, uye ugoita mhete yendarira pakona imwe neimwe yomumbure.

5. Uchiise pasi pechitsiko chearitari kuitira kuti chive pakati nepakati pearitari.

6. Uitire aritari matanda omuakasia uye ugoafukidza nendarira.

7. Matanda aya anofanira kupinzwa mukati memhete kuti agova kumativi maviri earitari painenge yotakurwa.

8. Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.

Ruvazhe

9. “Uitire tabhenakeri ruvazhe. Rutivi rwezasi runofanira kureba makubhiti zanac uye runofanira kuva namachira akarembedzwa omucheka wakarukwa wakaisvonaka,

10. namatanda makumi maviri uye zvigadziko zvendarira makumi maviri uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.

11. Rutivi rwokumusoro rucharebawo makubhiti zana uye runofanira kuva namachira akarembedzwa, namatanda makumi maviri, nezvigadziko zvendarira makumi maviri, uye zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamatanda.

12. “Kumucheto kworuvazhe, nechokumavirira, kunofanira kuva noupamhi hwamakubhiti makumi mashanud uye machira akarembedzwa, namatanda gumi uye zvigadziko gumi.

13. Kumucheto nechokumabvazuva kwakatarisana nokunobuda nezuva, upamhi hworuvazhe hunofanira kuva makubhiti makumi mashanu.

14. Machira akareba makubhiti gumi namashanue anofanira kuva kuno rumwe rutivi rwomukova, namatanda matatu nezvigadziko zvitatu,

15. uye mamwe machira akareba makubhiti gumi namashanu ngaavewo kuno rumwe rutivi, namatanda matatu nezvigadziko zvitatuwo.

16. “Pamukova wokupinda muruvazhe, uise chidzitiro chakareba makubhiti makumi mavirif, chewuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa romusoni anogona, namatanda mana uyewo zvigadziko zvina.

17. Matanda ose akapoteredza ruvazhe anofanira kuva nezvisungiso zvesirivha nezvikorekedzo, uye zvigadziko zvendarira.

18. Ruvazhe ruchareba makubhiti zanag uye makubhiti makumi mashanuh paupamhi, namachira emicheka yakarukwa yakaisvonaka yakareba makubhiti mashanui, uye nezvigadziko zvendarira.

19. Mimwe midziyo inoshandiswa paushumiri hwetabhenakeri, ringava basa ripi zvaro, kusanganisira mbambo dzose dzetende neiya yomuruvazhe, inofanira kuva yendarira.

Mafuta eChigadziko choMwenje

20. “Urayire vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta omuorivhi akachena, akasvinwa omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichipfuta.

21. MuTende Rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi peChipupuriro, Aroni navanakomana vake vanofanira kurega mwenje ichiramba ichipfuta pamberi paJehovha, kubva madekwana kusvikira mangwanani. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi pakati pavaIsraeri nokumarudzi anotevera.