Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Nguo dzoUprista

1. Kubva pawuru yebhuruu nepepuru netsvuku, vakaita nguo dzakarukwa dzoushumiri munzvimbo tsvene. Vakaitawo nguo tsvene dzaAroni, sokurayira kwakaita Jehovha kuna Mozisi.

Efodhi

2. Vakaita efodhi yegoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakaisvonaka wakarukwa.

3. Vakapambadzira goridhe rikava marata matete uye vakagura tuwaya kuti tupfekerwe muwuru yebhuruu, yepepuru netsvuku uye mumucheka wakaisvonaka, basa remhizha ino unyanzvi.

4. Vakaita zvipenga zvapapfudzi zveefodhi, zvaibatanidzwa pana mamwe makona ayo maviri, kuti isimbiswe.

5. Bhande rayo romuchiuno rakarukwa nounyanzvi rakanga rakafanana nayo, zvaive chinhu chimwe neefodhi uye zvakagadzirwa negoridhe, newuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka, sokurayirwa kwakaitwa Mozisi naJehovha.

6. Vakagadzira matombo eonikisi vakaanyudza mukati mamaruva egoridhe uye vakanyora norunyoro rwokutema padombo sezvinoitwa padombo rechisimbiso ramazita avanakomana vaIsraeri.

7. Ipapo vakaisa pamapenga apamapfudzi eefodhi matombo echirangaridzo chavana vaIsraeri sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Chidzitiro cheChipfuva

8. Vakaita chidzitiro chechipfuva, basa remhizha ino unyanzvi. Vakachiita seefodhi: negoridhe, uye wuru yebhuruu, pepuru netsvuku, uye nomucheka wakarukwa wakaisvonaka.

9. Chakanga chakaenzana mativi acho ose ari mana, chakaenzana nechanzaa paurefu uye chakaenzana nechanza paupamhi uye chakapetwa kaviri.

10. Ipapo vakagadzira mitsara mina yamatombo anokosha pamusoro pacho. Mumutsara wokutanga makanga mune ibwe rerubhi, topazi nebheriri;

11. mumutsara wechipiri maiva netekoisi, nesafire uye nemaradhi; mumutsara wechitatu maiva nejasindi, neagati uye neametisi;

12. mumutsara wechina maiva nekirisoriti, neonikisi uye nejasipa.

13. Akanga akagadzirwa mukati mamaruva egoridhe.

14. Paiva namatombo gumi namaviri, rimwe richimirira rimwe ramazita avanakomana vaIsraeri, rimwe nerimwe rakanyorwa, sorunyoro rwakatemwa padombo sechisimbiso chine rimwe ramazita amarudzi gumi namaviri.

15. Chidzitiro chechipfuwa vakachiitirawo uketani hwakarukwa negoridhe rakaisvonaka, rwakaita setambo.

16. Vakaita maruva maviri egoridhe nemhete mbiri dzegoridhe, uye vakasungirira mhete idzi pana mamwe amakona maviri echidzitiro chechipfuva.

17. Vakasungirira humwe uketani huviri hwegoridhe pamhete dzapamakona echidzitiro chechipfuva,

18. uye mimwe miromo youketani pamaruva maviri, zvichibatanidzwa pazvipenga zvapamapfudzi eefodhi nechemberi.

19. Vakagadzira mhete dzegoridhe mbiri vakadzibatanidza namamwe makona maviri echidzitiro chechipfuva pamupendero nechomukati pedyo neefodhi.

20. Ipapo vakagadzira dzimwezve mhete mbiri dzegoridhe uye vakadzibatanidza nechepasi pezvipenga zvamapfudzi pamberi peefodhi, pedyo nemusono uri nechapamusoro pebhanire romuchiuno refodhi.

21. Vakasungirira mhete dzapachidzitiro chapachipfuva pamhete dzapaefodhi netambo yebhuruu, ichiibatanidza nebhanire romuchiuno kuitira kuti chidzitiro chechipfuva chirege kubva paefodhi, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Dzimwe Nguo dzoUprista

22. Vakaita jasi reefodhi nomucheka webhuruu yoga, basa romuruki,

23. rakazaruka pakati pejasi sokuzaruka kwekora, uye mupendero wakapoteredza buri iri, kuitira kuti rirege kubvaruka.

24. Vakaita matamba ewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku nomucheka wakarukwa wakaisvonaka wakapoteredza mupendero wejasi.

25. Uye vakaita matare egoridhe rakaisvonaka uye vakaabatanidza achipoteredza mupendero pakati pamatamba.

26. Matare namatamba akanga achipesana akapoteredza mupendero wejasi rinofanira kupfekwa pakushumira, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

27. Vakaitira Aroni navanakomana vake, majasi omucheka wakaisvonaka, basa romuruki,

28. uye nguwani yomucheka wakaisvonaka, bhanire romucheka romumusoro uye nenguo dzapasi dzomucheka wakarukwa wakaisvonaka.

29. Ndaza yacho yakanga iri yomucheka wakarukwa wakaisvonaka wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku, basa romuruki, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

30. Vakagadzira ndiro, korona tsvene, yegoridhe rakaisvonaka uye yakanyorwa pairi, sorunyoro rwapachisimbiso, kuti: MUTSVENE KUNA JEHOVHA.

31. Ipapo vakasungirira tambo yebhuruu pairi kuti ibatanidzwe nenguwani, sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

Mozisi anotarira Tabhenakeri

32. Saka basa rose patabhenakeri, Tende Rokusangana, rakapera. VaIsraeri vakaita zvinhu zvose sezvakanga zvarayirwa naJehovha kuna Mozisi.

33. Ipapo vakauya netabhenakeri kuna Mozisi: tende nenhumbi dzaro dzose, zvikorekedzo zvayo, mapuranga, mbariro, matanda nezvigadziko;

34. chifukidzo chamatehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku, chifukidzo chamatehwe emombe dzomugungwa nezvidzitiro zvokudzivirira;

35. areka yeChipupuriro namapango ayo nechifunhiro chokuyananisa;

36. tafura nenhumbi dzayo dzose nechingwa choKuvapo;

37. zvigadziko zvomwenje zvegoridhe rakaisvonaka nemitsara yacho yemwenje, nhumbi dzayo dzose, namafuta omwenje;

38. aritari yegoridhe, mafuta okuzodza, zvinonhuwira kwazvo nechidzitiro chapamukova wetende;

39. aritari yendarira, chiparo chayo chendarira, mapango ayo nemidziyo yayo yose; dhishi nechigadziko charo;

40. zvidzitiro zvoruvazhe namatanda nezvigadziko zvarwo, uye chidzitiro chapamukova woruvazhe; tambo nembambo dzetende dzaparuvazhe; midziyo yose yetabhenakeri, Tende Rokusangana;

41. uye jasi rakarukwa rinopfekwa pakushumira munzvimbo tsvene, zvose nguo tsvene dzaAroni muprista nenguo dzavanakomana vake pavanoshumira savaprista.

42. VaIsraeri vakanga vaita basa rose sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi.

43. Mozisi akaongorora basa uye akaona kuti vakanga variita sokurayira kwakange kwaita Jehovha. Saka Mozisi akavaropafadza.