Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Zvino uchaona zvandichaita kuna Faro. Nokuda kworuoko rwangu rune simba achavaregera kuti vaende; nokuda kworuoko rwangu rune simba achavadzinga munyika make.”

2. Mwari akatiwo kuna Mozisi, “Ndini Jehovha.

3. Ndakazviratidza kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho saMwari Wamasimba Ose, asi nezita rangu, Jehovha, handina kuzvizivisa kwavari.

4. Ndakasimbisawo sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika yavakagara savatorwa.

5. Pamusoro paizvozvo, ndanzwa kugomera kwavaIsraeri, vakabatwa muutapwa navaIjipita, uye ndarangarira sungano yangu.

6. “Naizvozvo, uti kuvaIsraeri, ‘Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pejoko ravaIjipita. Ndichakusunungurai kuti musava nhapwa kwavari, uye ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa uye nokutonga kwamabasa makuru.

7. Ndichakutorai savanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, akakubvisai pasi pejoko ravaIjipita.

8. Uye ndichakuuyisai kunyika yandakapika ndakasimudza ruoko kuna Abhurahama, kuna Isaka nokuna Jakobho. Ndichaipa kwamuri senhaka yenyu. Ndini Jehovha.’ ”

9. Mozisi akazivisa izvi kuvaIsraeri, asi havana kumuteerera nokuda kwokuora mwoyo kwavo uye nousungwa hune utsinye.

10. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

11. “Enda undotaurira Faro mambo weIjipiti kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake.”

12. As Mozisi akati kuna Jehovha, “Kana vaIsraeri vasinganditeereri, Faro anganditeerera seiko, sezvo ndichitaura nemiromo inokakama?”

Nhoroondo yemhuri yaMozisi naAroni

13. Zvino Jehovha akataura kuna Mozisi naAroni pamusoro pavaIsraeri napamusoro paFaro mambo weIjipiti, uye akavarayira kuti vabudise vaIsraeri kubva muIjipiti.

14. Ava ndivo vaiva vakuru vemhuri dzavo: Vanakomana vaRubheni mwanakomana wedangwe waIsraeri vaiva Hanoki naParu, Hezironi naKami. Idzi ndidzo dzakanga dziri dzimba dzaRubheni.

15. Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, Jamini, Ohadhi, Jakini, Zohari naShauri mwanakomana womukadzi muKenani. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaSimeoni.

16. Aya ndiwo mazita avanakomana vaRevhi maererano nokunyorwa kwawo: Gerishoni, Kohati naMerari. Revhi akararama makore zana namakumi matatu namanomwe.

17. Vanakomana vaGerishoni, nedzimba dzavo, vaiva Ribhini naShimei.

18. Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, Izhari, Hebhuroni naUzieri. Kohati akararama kwamakore zana namakumi matatu namatatu.

19. Vanakomana vaMerari vaiva Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzaRevhi sokunyorwa kwadzo.

20. Amurami akawana hanzvadzi yababa vake Jokebhedhi, uyo akamuberekera Aroni naMozisi. Amurami akararama kwamakore zana namakumi matatu namanomwe.

21. Vanakomana vaIzhari vaiva Kora, Nefegi naZikiri.

22. Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, Erizafani naSitiri.

23. Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhu naAbhihu, Ereazari naItamari.

24. Vanakomana vaKora vaiva Asiri, Erikana naAbhiasafu. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaKora.

25. Ereazari mwanakomana waAroni akawana mumwe wavanasikana vaPutieri, uye akamuberekera Finehazi. Ava ndivo vakanga vari vakuru vemhuri dzavaRevhi, imba neimba.

26. Ndivo vaya vanaAroni naMozisi vakanzi naJehovha, “Budisai vaIsraeri muIjipiti namapoka avo.”

27. Ndivo vakataura kuna Faro mambo weIjipiti pamusoro pokubudisa vaIsraeri kubva muIjipiti. Ndivo vamwe chetevo Mozisi naAroni.

Aroni anotaura akamirira Mozisi

28. Zvino Jehovha paakataura naMozisi muIjipiti,

29. akati kwaari, “Ndini Jehovha. Taurira Faro mambo weIjipiti zvose zvandinokuudza.”

30. Asi Mozisi akati kuna Jehovha, “Sezvo ndichitaura nemiromo inokakama, Faro angateerera kwandiri seiko?”