Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Aritari yeZvinonhuwira

1. “Uite aritari yokupirisa zvinonhuwira namatanda omuakasia.

2. Inofanira kuenzana mativi ayo ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetea uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kukwirira kwayo makubhiti mavirib, nyanga dzayo dzive chinhu chimwe chete nayo.

3. Ufukidze pamusoro payo namativi ose uye nenyanga dzayo negoridhe rakaisvonaka,

4. uye uite hata mbiri kumativi akatarisana. Kuti dzibate mapango anoshandiswa kuitakura.

5. Uite mapango aya nomuti womuakasia uye uafukidze negoridhe.

6. Uise aritari mberi kwechidzitiro chiri pamberi peareka yeChipupuriro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro peChipupuriro, pandichasangana newe.

7. “Aroni anofanira kupisa zvinonhuwira pamusoro pearitari mangwanani oga oga paanogadzira mwenje.

8. Anofanira kupisazve zvinonhuwira paanenge achitungidza mwenje madekwana saka zvinonhuwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kumarudzi anotevera.

9. Musapisira pamusoro pearitari iyi zvimwewo zvazvo zvinonhuwira kana zvipiriso zvipi zvazvo zvinopiswa kana zvipiriso zvezviyo, uye musadururire chipiriso chinonwiwa pamusoro payo.

10. Aroni achaita yananiso panyanga idzi kamwe chete pagore. Yananiso yapagore iyi inofanira kuitwa neropa rokuyananisa rechipiriso chechivi kusvikira kumarudzi anotevera. Chitsvene-tsvene kuna Jehovha.”

Mari yeYananiso

11. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

12. “Paunoverenga vaIsraeri kuti uvanyore, mumwe nomumwe anofanira kupa Jehovha rudzikinuro rwoupenyu hwake panguva yaanoverengwa. Ipapo hapana denda richazouya pamusoro pavo paunovaverenga.

13. Mumwe nomumwe anoyambukira kuna avo vatoverengwa anofanira kupa hafu yeshekeric, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri. Hafu yeshekeri iyi chipiriso kuna Jehovha.

14. Vose vanoyambuka, vaya vana makore makumi maviri kana avo vapfuura, vanofanira kupa chipiriso kuna Jehovha.

15. Vapfumi havafaniri kupa zvinopfuura hafu yeshekeri uye varombo havafaniri kupa zvishoma pamunoita chipiriso kuna Jehovha kuti muyananiswe upenyu hwenyu.

16. Ugamuchire mari yeyananiso kubva kuvaIsraeri ugoishandisa paushumiri hweTende Rokusangana. Chichava chirangaridzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha, muchiyananisira upenyu hwenyu.”

Mudziyo woKushambira

17. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

18. “Uite mudziyo wokushambira wendarira, nechigadziko chawo chendariria. Ugouisa pakati peTende Rokusangana nearitari uye ugoisa mvura mauri.

19. Aroni navanakomana vake vanofanira kushamba maoko avo netsoka dzavo nemvura kuitira kuti varege kufa.

20. Uyezve, pavanoswedera paaritari kuti vazoshumira nokupa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto,

21. vachashamba maoko avo netsoka dzavo kuitira kuti varege kufa. Uyu unofanira kuva mutemo usingaperi waAroni nezvizvarwa zvake kusvikira kumarudzi anotevera.”

Mafuta oKuzodza

22. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,

23. “Tora zvinonhuwira zvinotevera izvi: mazana mashanu amashekerid emura inoerera, hafu yakadaro (ndiwo mazana maviri namakumi mashanu amashekeri) ezvinonhuwira zvesinamoni, mazana maviri namakumi mashanu enzimbe,

24. mashekeri omuakasia mazana mashanu, zvose zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, nehinie yamafuta omuorivhi.

25. Vhenganisa izvi kuti zvive mafuta matsvene okuzodza, anonhuwira akavhenganiswa, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira. Achava mafuta matsvene okuzodza.

26. Ipapo ugoashandisa kuzodza Tende Rokusangana, neareka yeChipupuriro,

27. tafura nemidziyo yayo yose, chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose, aritari yezvinonhuwira,

28. aritari yezvipiriso zvinopiswa nemidziyo yayo, uye mudziyo wokushambira nechigadziko chawo.

29. Unofanira kuzvitsaura kuti zvigova zvitsvene-tsvene, uye zvose zvichazvigunzva zvichava zvitsvene.

30. “Uzodze Aroni navanakomana vake uye uvatsaure kuitira kuti vagondishandira savaprista.

31. Uti kuvaIsraeri, ‘Aya achava mafuta angu matsvene okuzodza amarudzi anotevera.

32. Musaadira pamiviri yavanhu uye musaita mafuta api zvawo nenzira imwe cheteyo. Matsvene, uye munofanira kuaita matsvene.

33. Ani naani anoita mafuta anonhuwira akafanana nawo uye ani naani anoaisa pamunhu upi zvake kunze kwomuprista anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.’ ”

Zvinonhuwira

34. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tora zvinonhuwira zvinoti sitaketi, onika negaribhanamu, uye zvinonhuwira zvakaisvonaka, zvose zvakaenzana,

35. ugoita zvakafanira kurungwa zvigova zvakaisvonaka uye zvive zvitsvene.

36. Ukuye zvimwe zvacho zvive upfu ugozviisa pamberi peChipupuriro chiri muTende Rokusangana, umo mandichasangana newe. Zvichava zvitsvene-tsvene kwauri.

37. Usazviitira zvinonhuwira zvipi zvazvo nenzira imwe cheteyo; uzvicherechedze kuti zvitsvene kuna Jehovha.

38. Ani naani achaita chipi zvacho chakafanana nacho kuti afadzwe nokunhuwira kwacho, anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.”