Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ekisodho 25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zvipiriso zveTabhenakeri

1. Uye Jehovha akati kuna Mozisi,

2. “Taurira vaIsraeri kuti vandivigire chipiriso. Unofanira kugamuchira chipiriso changu kubva kumunhu upi noupi anosundwa nomwoyo wake kuti ape.

3. Izvi ndizvo zvipiriso zvaunofanira kugamuchira kubva kwavari: goridhe, sirivha, ndarira;

4. wuru yebhuruu, pepuru netsvuku uye nemicheka yakaisvonaka; makushe embudzi;

5. matehwe amakondohwe akapendwa zvitsvuku namatehwe emombe dzomugungwa; matanda omuakasia;

6. mafuta omuorivhi emwenje; zvinonhuwira zvemafuta okuzodza anonhuwira uye nezvimwe zvinonhuwira;

7. mabwe eonikisi nezvimwe zvinokosha zvinofanira kuiswa paefodhi napachidzitiro chechipfuva.

8. “Ipapo uite kuti vaite nzvimbo yangu tsvene, uye ini ndichagara pakati pavo.

9. Muite tabhenakeri iyi nemidziyo yayo yose nomufananidzo wandichakuratidza.

Areka

10. “Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuakasia, rakareba makubhiti maviri nehafua, upamhi kubhiti nehafub, uye kubhiti nehafu pakukwira.

11. Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza.

12. Muiumbire mhete dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi.

13. Ipapo mugoita matanda omuakasia uye negoridhe.

14. Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo.

15. Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa.

16. Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.

17. “Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti nehafud paupamhi.

18. Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.

19. Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri.

20. Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro.

21. Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.

22. Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.

Tafura

23. “Uite tafura namatanda omuakasia yakareba makubhiti mavirie, kubhiti rimwe chetef paupamhi uye kubhiti nehafug pakukwirira.

24. Muifukidzire negoridhe rakaisvonaka uye mugoipoteredza nezvakaumbwa zvegoridhe.

25. Uyewo uite vhiri rinoipoteredza rino upamhi hwakaita sechanza choruokoh ugoisa goridhe rakaumbwa pamusoro pevhiri.

26. Uite mhete ina dzegoridhe dzetafura ugodzisungira kumakona mana, pane makumbo ayo.

27. Mhete idzi dzinofanira kuva pedyo nevhiri kuti dzibate matanda anoshandiswa kutakura tafura.

28. Uite matanda omuakasia, uafukidze negoridhe uye mugotakura tafura nawo.

29. Uye uite ndiro dzayo namadhishi negoridhe rakaisvonaka, uyewo namatende ayo nembiya dzokudirisa zvipiriso.

30. Uise chingwa choKuvapo patafura iyi kuti chive pamberi pangu nguva dzose.

Chigadziko choMwenje

31. “Uite chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye ugoipambadzira pasi payo pamwe chete nerwiriko rwayo; mbiya dzayo, mabukira namaruva acho zvichava chinhu chimwe chete nacho.

32. Matavi matanhatu anofanira kutambarara achibva mumativi echigadziko chomwenje, matatu kuno rumwe rutivi uye matatu kuno rumwezve.

33. Mikombe mitatu yakaumbwa samaruva omuarimondi namabukira uye namaruva zvinofanira kuva padavi rimwe chete, matatu kune rimwe davi, uye zvimwe chetezvo kumativi matanhatu ose anotambarara kubva pachigadziko chomwenje.

34. Uye pachigadziko chomwenje panofanira kuva nemikombe mina yakaumbwa samaruva omuarimondi ane mabukira namaruva.

35. Bukira rimwe chete richava pasi pamatavi maviri okutanga anotambarara kubva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri riri pasi pamamwe matavi maviri, uye bukira rechitatu riri pasi pamamwezve pamatavi maviri, mativi ose ari matanhatu.

36. Mabukira namatavi achava ebandi rimwe chete nechigadziko chomwenje, negoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.

37. “Ipapo ugoita mwenje yacho minomwe uye ugoigadzika pamusoro pacho kuitira kuti zvigovhenekera nzvimbo iri mberi kwacho.

38. Mbato dzacho nendiro dzacho zvinofanira kuva zvegoridhe rakaisvonaka.

39. Tarendai regoridhe rakaisvonaka rinofanira kushandiswa pachigadziko chomwenje nemimwe midziyo yose iyi.

40. Uone kuti wazviita zvichienderana nomufananidzo wawakaratidzwa pagomo.