Testamende Yekare

Testamende Itsva

Nehemia 9:24-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; mukapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo.

25. Vakapamba maguta akakombwa nenyika ine ivhu rakanaka, vakatora dzimba dzakanga dzakazara nemhando dzose dzezvinhu zvakanaka, matsime akacherwa kare, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi nemiti yemichero yakawanda. Vakadya vakaguta vakava vakagwinya kwazvo; vakafara muukuru hwokunaka kwenyu.

26. “Asi havana kuteerera uye vakakumukirai; vakafuratira murayiro wenyu. Vakauraya vaprofita venyu, vaivarayira kuti vadzokere kwamuri; vakamhura zvainyadza kwazvo.

27. Naizvozvo makavaisa kuvavengi vavo, avo vakavadzvinyirira. Asi pavakanga vava kudzvinyirirwa vakachema kwamuri. Makavanzwa muri kudenga, uye nengoni dzenyu huru makavapa vadzikinuri, vakavarwira kubva mumaoko avavengi vavo.

28. “Asi pavakangowana zororo, vakaitazve zvakaipa pamberi penyu. Ipapo makavasiya mumaoko avavengi vavo kuti vave nesimba pamusoro pavo. Zvino vakati vachemazve kwamuri, makavanzwa muri kudenga, nengoni dzenyu mukavarwira nguva nenguva.

29. “Makavayambira kuti vadzokere kumurayiro wenyu, asi ivo vakazvikudza vakasateerera kurayira kwenyu. Vakatadza pane zvamakatonga, izvo zvinoraramisa munhu kana akazviteerera. Nokusindimara kwavo vakakufuratirai, vakaomesa mitsipa yavo uye vakaramba kuteerera.

30. Makava nomwoyo murefu navo kwamakore mazhinji. Makavayambira noMweya wenyu kubudikidza navaprofita venyu. Kunyange zvakadaro havana kuita hanya, saka makavapa kuvanhu vavakavakidzana navo.

31. Asi netsitsi dzenyu huru hamuna kuvaparadza kana kuvarasa, nokuti muri Mwari ane nyasha netsitsi.

32. “Naizvozvo zvino, Mwari wedu, mukuru, ane simba, uye Mwari anotyisa, anochengeta sungano yake yorudo, matambudziko aya ose ngaarege kuva madiki pamberi penyu, matambudziko akauya pamusoro pedu, napamusoro pamadzimambo edu navatungamiri, napamusoro pavaprista vedu navaprofita, pamusoro pamadzibaba edu navanhu vose, kubva pamazuva amadzimambo avaAsiria kusvikira nhasi.

33. Pane zvakaitika kwatiri, imi makanga makarurama; makanga makatendeka, asi isu takaita zvakaipa.

34. Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa.

35. Kunyange pavakanga vachibata ushe hwavo, vachifarira kunaka kwenyu kukuru kwavari munyika yamakavapa, munyika yakakura uye ine ivhu rakanaka, havana kukushumirai kana kusiya nzira dzavo dzakaipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Nehemia 9