Madzimambo edu, vatungamiri vedu, vaprista vedu namadzibaba edu havana kutevera murayiro wenyu; havana kuita hanya nokurayira kwenyu kana yambiro dzamakavapa.