Vanakomana vavo vakapinda vakatora nyika. Makakunda vaKenani pamberi pavo, vaigara munyika iyo; mukapa vaKenani kwavari, pamwe chete namadzimambo avo uye navanhu vomunyika, kuti vaite zvavanoda navo.