Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jeremia anosunungurwa

1. Shoko rakasvika kuna Jeremia richibva kuna Jehovha mushure mokusunungurwa kwake paRama naNebhuzaradhani mukuru wavarindi. Akanga awana Jeremia akasungwa nengetani ari pakati pavatapwa vose vaibva Jerusarema neJudha avo vakanga vachiendeswa kuutapwa kuBhabhironi.

2. Mukuru wavarindi akati awana Jeremia, akati kwaari, “Jehovha Mwari wako akatenda kuti njodzi iyi iwire nzvimbo ino.

3. Zvino Jehovha aita kuti zviitike, aita sezvaakareva kuti achaita. Izvi zvose zvakaitika nokuti imi vanhu makatadzira Jehovha uye hamuna kumuteerera.

4. Asi nhasi ndinokusunungura kubva pangetani dziri mumaoko ako. Uya tiende tose kuBhabhironi, kana uchida, ini ndichakuchengeta; asi kana usingadi, usauya. Tarira, nyika yose iri pamberi pako; enda hako kwose kwaunoda.”

5. Kunyange zvakadaro hazvo, Jeremia asati atendeuka kuti aende, Nebhuzaradhani akaenderera mberi achiti, “Dzokera kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani uyo akagadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wemaguta eJudha, undogara naye pakati pavanhu, kana kuti woenda kwose kwaunoda.” Ipapo mukuru wavarindi akamupa zvokudya zvokutakura nezvipo akamurega achienda.

6. Saka Jeremia akaenda kuna Gedharia mwanakomana waAhikami paMizipa akandogara naye pakati pavanhu vakanga vasara munyika.

Gedharia anourayiwa

7. Vakuru vehondo navanhu vakanga vachigara mumasango enyika vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami kuti ave mubati wenyika uye kuti mambo akanga amuita mutariri wavarume, navakadzi navana, avo vakanga vari varombo zvakanyanya munyika uye vakanga vasina kuendeswa pautapwa kuBhabhironi,

8. vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, Johanani naJonatani vanakomana vaKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti, mwanakomana waEfai muNetafati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.

9. Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, akapika mhiko yokuvasimbisa ivo navanhu vavo achiti, “Musatya kushandira vaBhabhironi. Garai henyu munyika mushandire mambo weBhabhironi, zvigokuitirai zvakanaka.

10. Ini pachangu ndichagara paMizipa kuti ndikumirirei pamberi pavaBhabhironi vanouya kwatiri, asi imi munofanira kukohwa waini, nezvibereko zvezhizha namafuta mugozviisa mumidziyo yenyu, mugogara mumaguta amakakunda.”

11. VaJudha vose vaiva muMoabhu, muAmoni, nevemuEdhomu nedzimwe nyika dzose vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asiya vamwe vanhu muJudha uye kuti akanga agadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, somubati pamusoro pavo,

12. vose vakadzoka kunyika yeJudha, kuna Gedharia paMizipa, vachibva kunyika dzose kwavakanga vakaparadzirwa. Uye vakakohwa waini yakawanda nezvibereko zvezhizha zvizhinji kwazvo.

13. Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakanga vachiri kumasango vakauya kuna Gedharia paMizipa.

14. Vakati kwaari, “Hauzivi here kuti Bhaarisi mambo wavaAmoni atuma Ishumaeri mwanakomana waNetania kuti azokuuraya?” Asi Gedharia mwanakomana waAhikami haana kuvatenda.

15. Ipapo Johanani mwanakomana waKarea akati kuna Gedharia muchivande vari paMizipa, “Rega ndinouraya Ishumaeri mwanakomana waNetania, uye hapana achazviziva. Anodirei kukuuraya nokuita kuti vaJudha vose vakaungana, vakakupoteredza, vaparadzirwe uye vakasara veJudha vaparare?”

16. Asi Gedharia mwanakomana waAhikami akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Usaita chinhu chakadaro! Zvauri kutaura pamusoro paIshumaeri hazvisi zvechokwadi.”