Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chirevo pamusoro peBhabhironi

1. Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi, achiti,

2. “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi, simudzai mureza uye paridzai; musasiya kana chinhu, asi muti, ‘Bhabhironi richakundwa; Bheri richanyadziswa, Merodhaki richazara nokutya. Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’

3. Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa, uye ruchaparadza nyika yaro. Hakuna munhu achagaramo; zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.

4. “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.

5. Vachabvunza nzira inoenda kuZioni, vagotendeutsira zviso zvavo kwairi. Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha, nesungano isingaperi isingakanganikwi.

6. “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.

7. Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’

8. “Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai.

9. Nokuti ndichamutsira Bhabhironi nokuisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.

10. Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

11. “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza,

12. mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga.

13. Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi, asi richava dongo chose. Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa, uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.

14. “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi, imi mose munowembura uta. Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.

15. Pururudzai pamusoro pake kumativi ose! Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka. Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha, tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.

16. Bvisai mudyari muBhabhironi, nomucheki nejeko rake pakukohwa. Nokuda kwomunondo womumanikidzi mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake, mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.

17. “Israeri makwai akapararira akadzingirwa kure neshumba. Akatanga kumudya akanga ari mambo weAsiria; akapedzisira kupwanya mapfupa ake ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”

18. Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.

19. Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri nepaBhashani; achadya akaguta pazvikomo zveEfuremu neGireadhi.

20. Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.

21. “Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai.

22. Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru!

23. Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi!

24. Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha,

25. Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.

26. Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.

27. Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.

28. Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake.

29. “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri.

30. Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

31. “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.

32. Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”

33. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende.

34. Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.

35. “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!

36. Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya.

37. Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa.

38. Mvura yaro zhinji ngaipwe! Ichaoma. Nokuti inyika yezvifananidzo, zvifananidzo zvichapenga nokutya.

39. “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako, uye zizi richagara imomo. Haichazogarwizve, uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.

40. Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi.

41. “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumutswa kubva kumagumo enyika.

42. Vakapakata uta namapfumo; vano utsinye uye havana tsitsi. Vanotinhira segungwa vakatasva mabhiza avo; vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa, kuti vakurwise, iwe mwanasikana weBhabhironi.

43. Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.

44. Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndianiko achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”

45. Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.

46. Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwika pakati pamarudzi.