Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Chirevo pamusoro pavaFiristia

1. Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kumuprofita Jeremia pamusoro pavaFiristia, Faro asati arwisa Gaza:

2. Zvanzi naJehovha, “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runopa pfuma nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza

3. nokuda kwomutsindo wemahwanda emabhiza, nomutinhiro wengoro dzavavengi, nokurira kwemavhiri adzo. Madzibaba haangadzoki kuzobatsira vana vavo; maoko avo acharembera seakaremara.

4. Nokuti zuva rasvika rokuparadza vaFiristia vose, nokuuraya vose vakasara vaigona kubatsira Tire neSidhoni. Jehovha ava pedyo nokuparadza vaFiristia, vaya vakasara vanobva kumahombekombe eKafitori.

5. Gaza ichaveura musoro waro mukuchema; Ashikeroni richati mwiro. Haiwa, imi vakasara vari pabani, muchasvika rinhiko muchizvicheka?

6. “Muchachema muchiti, ‘Nharirire, munondo waJehovha, uchasvika riniko usati wazorora? Dzokera mumuhara wako; mira, unyarare.’

7. Asi ungazorora sei, sezvo Jehovha akaurayira, sezvo akaurayira kuti urwise Ashikeroni namahombekombe?”