Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jeremia anokandwa mugomba

1. Shefania mwanakomana waMatani naGedharia mwanakomana waPashuri mwanakomana waMarikija vakanzwa zvaitaurwa naJeremia kuvanhu vose paakati,

2. “Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; iye achararama.’

3. Zvakare, zvanzi naJehovha, ‘Zvirokwazvo guta rino richaiswa mumaoko ehondo yamambo weBhabhironi, ndiye acharikunda.’ ”

4. Ipapo machinda akati kuna mambo, “Munhu uyu anofanira kufa. Ari kuodza mwoyo yavarwi vakasara muguta rino, pamwe chete navanhu vose, nezvinhu zvaanotaura kwavari. Uyu munhu haatsvaki zvakanakira vanhu ava asi kuparadzwa kwavo.”

5. Mambo Zedhekia akapindura akati, “Ari mumaoko enyu, Mambo haana zvaangagona kupikisana nemi.”

6. Saka vakatora Jeremia vakamuisa mugomba raMarikija, mwanakomana wamambo, rakanga riri muruvazhe rwavarindi. Vakaburutsira Jeremia mugomba netambo: rakanga risina mvura mariri, asi madhaka bedzi, nokudaro Jeremia akanyura mumadhaka.

7. Asi Ebhedhi-Mereki muEtiopia aiva muchinda mumuzinda woushe, akazvinzwa kuti vakanga vaisa Jeremia mugomba. Panguva yakanga yakagara mambo paSuo raBhenjamini,

8. Ebhedhi-Mereki akabuda mumuzinda woushe akati kwaari, “Ishe wangu mambo, varume ava vakaita zvakaipa kwazvo pane zvose zvavakaita kumuprofita Jeremia.

9. Vakamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.”

10. Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo mundobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”

11. Saka Ebhedhi-Mereki akatora varume akaenda navo kumba yaiva pasi pechivigiro chepfuma mumuzinda wamambo. Akatorawo mamvemve nenguo tsaru kubva ipapo ndokuzvidzikisa pasi netambo kuna Jeremia mugomba.

12. EbhedhiMereki muEtiopia akati kuna Jeremia, “Isa mamvemve nenguo dzakasakara idzi muhapwa dzako kuti zviputire tambo.” Jeremia akaita saizvozvo,

13. ndokubva vamukweva netambo ndokumubudisa kubva mugomba. Nokudaro Jeremia akaramba ari paruvazhe rwavarindi.

Zedhekia anobvunzazve Jeremia

14. Ipapo mambo Zedhekia akatuma nhume akauyisa muprofita Jeremia pamukova wechitatu wokupinda patemberi yaJehovha. Mambo akati kuna Jeremia, “Ndinoda kukubvunza chimwe chinhu. Usandivanzira chinhu.”

15. Jeremia akati kuna Zedhekia, “Kana ndikakupai mhinduro, hamuzondiurayi here? Kunyange ndikakupai zano, hamunganditeereri.”

16. Asi mambo Zedhekia akapikira Jeremia mhiko iyi pakavanda achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iye akatipa mweya watinofema, handingakuurayi kana kukuisa mumaoko avavo vanotsvaka kukuuraya.”

17. Ipapo Jeremia akati kuna Zedhekia, “Zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana ukazvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, upenyu hwenyu hucharwirwa uye guta rino haringapiswi; imi nemhuri muchararama.

18. Asi kana mukaramba kuzvipira kuvaranda vamambo weBhabhironi, guta rino richaiswa mumaoko avaBhabhironi uye vacharipisa; nemi pachenyu hamungapukunyuki pamaoko avo.’ ”

19. Mambo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ndinotya vaJudha vakaenda kuvaBhabhironi, kuti vaBhabhironi vangangondiisa mumaoko avo vakandiitira zvakaipa.”

20. Jeremia akati kwaari, “Havangakuisiyi kwavari. Teererai Jehovha nokuita zvandakuudzai. Ipapo zvichakunakirai imi, uye upenyu hwenyu huchararamiswa.

21. Asi kana mukaramba kuzvipira, hezvino zvandakaratidzwa naJehovha.

22. Vakadzi vose vakasara mumuzinda wamambo weJudha vachabudiswa vachiendeswa kumachinda amambo weBhabhironi. Vakadzi ivavo vachati kwamuri: “ ‘Vakakutsausai uye vakakukundai, ivo shamwari dzamaivimba nadzo. Tsoka dzenyu dzanyura mumadhaka; shamwari dzenyu dzakakutizai.’

23. “Vakadzi venyu vose navana vachabudiswa vachiendeswa kuvaBhabhironi. Nemi pachenyu hamungapukunyuki mumaoko avo, asi muchabatwa namambo weBhabhironi; uye guta rino richapiswa.”

24. Ipapo Zedhekia akati kuna Jeremia, “Ngakurege kuva nomunhu anoziva zvatakurukura izvi nokuti angafa.

25. Kana machinda akanzwa kuti ndakataura newe, vakauya kwauri vachiti, ‘Tiudze zvawataura kuna mambo uye zvarehwa namambo kwauri; usativanzira kuti tirege kukuuraya,’

26. ipapo uvaudze kuti, ‘Ndanga ndichikumbira kuna mambo kuti arege kundidzoserazve kuimba yaJonatani kuti ndinofirako.’ ”

27. Machinda ose akauya kuna Jeremia ndokumubvunza, iye akavaudza zvinhu zvose zvaakanga arayirwa namambo kuti ataure. Naizvozvo vakarega kutaura naye zvakare, nokuti hapana akanga anzwa zvaakanga akurukura namambo.

28. Naizvozvo Jeremia akaramba ari muruvazhe rwavarindi kusvikira pazuva rakapambwa Jerusarema.