Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jeremia 18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Paimba yoMuumbi weHari

1. Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,

2. “Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.”

3. Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo.

4. Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.

5. Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

6. “Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.

7. Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe,

8. uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera.

9. Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe nokusimwa,

10. uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira.

11. “Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai! ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’

12. Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’ ”

13. Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Bvunzai pakati pavahedheni kuti: Ndiani akambonzwa chimwe chinhu chakadai? Chinhu chakaipa kwazvo chakaitwa neMhandara Israeri.

14. Ko, chando cheRebhanoni chinomboshayikwawo pamawere ematombo here? Ko, mvura yaro inotonhorera inoyerera ichibva kure inombomira kuyerera here?

15. Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa; vanopisira zvinonhuwira kuzvifananidzo zvisina maturo, izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo, uye napamakwara ekare kare. Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka nomumigwagwa isina kugadzirwa.

16. Nyika yavo ichaitwa dongo, chiseko chisingaperi; vose vanopfuura nemo vachashamiswa uye vachadzungudza misoro yavo.

17. Semhepo inobva kumabvazuva, ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo; ndichavaratidza musana wangu kwete uso hwangu, pazuva renjodzi yavo.”

18. Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.”

19. Haiwa Jehovha ndinzweiwo; donzwai zvinorehwa navapomeri vangu!

20. Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here? Kunyange zvakadaro vakandicherera gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu ndichivareverera, kuti mudzore kutsamwa kwenyu kwavari;

21. Saka sundirai vana vavo kunzara; vaisei kusimba romunondo. Vakadzi vavo ngavarege kuva navana uye ngavave chirikadzi; Varume vavo ngavaurayiwe, majaya avo ngaaurayiwe nomunondo muhondo.

22. Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo, pamunouyisa vapambi pamusoro pavo pakarepo, nokuti vakachera hunza kuti vandibate, uye vakavanzira tsoka dzangu misungo.

23. Asi munoziva, imi Jehovha, rangano dzavo dzose dzokundiuraya. Musavakanganwira mhaka dzavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu. Ngavawisirwe pasi pamberi penyu, muvarove panguva yokutsamwa kwenyu.