Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Nzvimbo Itsva yeTemberi

1. Mugore ramakumi maviri namashanu rokutapwa kwedu, pakutanga kwegore, pazuva regumi romwedzi, mugore regumi namana, shure kwokuwa kweguta, pazuva racho iroro ruoko rwaJehovha rwakanga ruri pamusoro pangu uye akandiendesako.

2. Pane zvandakaratidzwa naMwari akanditora akandiendesa kunyika yaIsraeri akandimisa pagomo refu refu, zasi kwaro kwakanga kune dzimba dzakanga dzichiratidzika seguta.

3. Akandiendesa ikoko, ndikaona munhu akanga achiratidzika sendarira; akanga akamira pasuo ane tambo yomucheka netsvimbo yokueresa muruoko rwake.

4. Murume uyu akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira nameso ako uye unzwe nenzeve dzako uye uongorore zvose zvandichakuratidza, nokuti wakasvitswa pano kuti ndikuratidze izvozvi. Utaurire imba yaIsraeri zvose zvaunoona.”

Suo rokumabvazuva roruvazhe rwokunze

5. Ndakaona rusvingo rwakanga rwakapoteredza nzvimbo yose, yetemberi. Urefu hwetsvimbo yokuera yakanga iri muruoko rwomurume uyu hwaisvika makubhiti matanhatua, rimwe nerimwe richiita kubhiti rimwe chete noupamhi hwechanzab. Akayera rusvingo; ukobvu hworusvingo hwakanga huchiita tsvimbo yokuyera imwe chete, uye urefu huchiita tsvimbo imwe chete.

6. Ipapo akaenda kusuo rakatarisa kumabvazuva. Akakwira nezvikwiriso zvarwo ndokuyera chikumbaridzo chesuo; chakanga chichiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

7. Makamuri avarindi akanga akaenzana netsvimbo imwe chete yokuyera paurefu uye tsvimbo imwe chete paupamhi, uye masvingo apakati pamakamuri akanga ari makubhiti mashanu paukobvu. Uye chikumbaridzo chesuo rakanga riri parutivi rwebiravira rakatarisana netemberi chaiita tsvimbo imwe chete pakudzika.

8. Ipapo akayera biravira resuo;

9. rakanga rakadzika kwamakubhiti masere uye mbiru dzacho makubhiti maviri paukobvu. Biravira resuo rakanga rakanangana netemberi.

10. Mukati mesuo rokumabvazuva makanga muna makamuri matatu parutivi rumwe norumwe; ose ari matatu akanga ane chiyero chakaenzana.

11. Ipapo akayera upamhi hwomukova wokusuo; wakanga una makubhiti gumi uye urefu hwacho hwaisvika makubhiti gumi namatatu.

12. Pamberi pekamuri rimwe nerimwe pakanga pana madziro akareba kubhiti rimwe chete, uye makamuri akanga ana makubhiti matanhatu akaenzana.

13. Ipapo akayera musuo kubva nechokumusoro kwamadziro kumashure kwerimwe ramakamuri nechokumusoro kwakatarisana nerimwe; nhambwe dzakanga dzichisvika makubhiti makumi maviri namashanu kubva pakazaruka pamadziro kusvikira kuno rumwe rutivi rwakatarisana nawo.

14. Akayera pakatarisana namasvingo aionekwa achipoteredzwa nechomukati mesuo, makubhiti makumi matanhatu. Akayera kusvika pabiravira rakatarisana noruvazhe.

15. Nhambwe dzaibva pamukova wesuo kusvikira kwokupedzisira kwebiravira dzakanga dziri makubhiti makumi mashanu.

16. Makamuri namasvingo aionekwa omukati mesuo akanga akavharirwa nechidziro namawindo maduku akapoteredza, sezvakanga zvakaita pabiravira; napamawindo akapoteredza akatarisa nechomukati; mberi kwamasvingo kwakanga kwakashongedzwa nemiti yemichindwe.

Ruvazhe rwokunze

17. Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.

18. Dzakanga dzakaganhurana norutivi rwamasuo uye zvakaenzana paupamhi nokureba; ndiyo yakanga iri nzira yakavakirwa yenyasi.

19. Ipapo akayera nhambwe kubva nechomukati kwerutivi rwesuo rezasi kusvikira kunze kworuvazhe rwomukati; rwakanga runa makubhiti zana nechokumabvazuva, uye nechokumusorowo.

Suo roKumusoro

20. Ipapo akayera urefu noupamhi hwesuo rakatarisana nechokumusoro raienda kuruvanze rwokunze.

21. Makamuri aro, matatu kurutivi rumwe norumwe, masvingo aro aionekera nebiravira raro zvakanga zvakaenzana nezviya zvesuo rokutanga. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rina makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

22. Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho.

23. Pakanga pane suo rinopinda muruvazhe rwomukati rakanga rakanangana nesuo rokumusoro, sezvazvakanga zvakaitawo nechokumabvazuva. Akayera kubva pane rimwe suo kusvikira pane rakanangana naro; aiva makubhiti zana.

Suo reZasi

24. Ipapo akanditungamirira kurutivi rwezasi ndikaona suo rakatarisa zasi. Akayera mbiru dzaro namabiravira aro, uye akanga akangoenzana namamwe pakuyera.

25. Suo rebiravira raro zvaiva namawindo maduku aipoteredza, samawindo amamwe. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye rine upamhi huna makubhiti maviri namashanu.

26. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho; rakanga rine miti yokushongedza yemichindwe pamadziro aionekera kurutivi rumwe norumwe.

27. Ruvazhe rwomukati nairwowo rwakanga rune suo rakatarisa zasi, uye akayera kubva pasuo iri kusvika kusuo rokunze kurutivi rwezasi; aiva makubhiti zana.

Masuo okuruvazhe rwomukati

28. Ipapo akaenda neni kuruvazhe rwomukati achipinda napasuo rezasi, uye akayera suo rezasi; rwakanga rwakaenzana namamwe pakuyera.

29. Makamuri aro, namadziro anoonekera uye namabiravira aro, akanga akaenzana namamwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo akazvipoteredza. Akanga akareba makubhiti makumi mashanu noupamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu.

30. Mabiravira esuo akapoteredza ruvazhe rwomukati akanga ane upamhi huna makubhiti makumi maviri namashanu uye makubhiti mashanu pakudzika.

31. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru dzaro, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

32. Ipapo akandipinza muruvazhe rwomukati nechokumabvazuva, iye ndokuyera suo; rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera.

33. Makamuri aro, namadziro aro aionekera nebiravira racho zvakanga zvine zvakaenzana nezvimwe pakuyera. Suo nebiravira raro zvakanga zvina mawindo kumativi ose. Zvakanga zvakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

34. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

35. Ipapo akaenda neni kusuo rokumusoro ndokuriyera. Rakanga rakangoenzana namamwe pakuyera,

36. sezvakanga zvakaitawo makamuri aro, namadziro aro aionekera uye biravira racho, uye rakanga rina mawindo kumativi ose. Rakanga rakareba makubhiti makumi mashanu uye makubhiti makumi maviri namashanu paupamhi.

37. Biravira raro rakanga rakatarisana noruvazhe rwokunze; miti yemichindwe yakanga yakashongedza mbiru kumativi ose, uye zvikwiriso zvisere ndizvo zvaisvitsa ikoko.

Makamuri oKugadzirira Zvibayiro

38. Kamuri rino mukova rakanga riri pabiravira pasuo rimwe nerimwe rechomukati, kwaisukirwa zvibayiro zvinopiswa.

39. Mubiravira rapasuo makanga muna matafura maviri pamativi ose, paiurayirwa zvibayiro zvinopiswa, nezvezvivi nezvemhosva.

40. Kurutivi rwokunze rworusvingo rwebiravira repasuo, pedyo nezvikwiriso zvapamukova nechokumusoro kwesuo rokumusoro kwakanga kuna matafura maviri, uye kuno rumwe rutivi rwezvikwiriso kwaivawo namatafura maviri.

41. Saka kwakanga kuna matafura mana parutivi rwesuo uye mamwezve mana kuno rumwe rutivi, matafura masere munzvimbo dzose, pakanga pachiurayirwa zvibayiro.

42. Kwakanga kuna mamwezve matafura mana amabwe akashongedzwa ezvibayiro zvinopiswa, rimwe nerimwe rine kubhiti rimwe nehafu paurefu, kubhiti nehafu paupamhi uye kubhiti rimwe chete pakukwirira. Pamusoro pawo pakanga pakaiswa midziyo yavaibayira nayo zvibayiro zvinopiswa nezvimwewo zvibayiro.

43. Uye zvikokovono zvaiva nemhanda mbiri, chimwe nechimwe chakanga chine upamhi hwechanza chomunhu pakureba, zvakanga zvakasungirirwa pamadziro ose. Matafura akanga ari enyama yezvipiriso.

Makamuri aVaprista

44. Kunze kwesuo romukati, nechomukati moruvazhe rwomukati, makanga muna makamuri maviri, rimwe kurutivi rwesuo rokumusoro uye rakatarisa kumusoro.

45. Iye akati kwandiri, “Kamuri rakatarisa zasi, nderavaprista vanochengeta temberi,

46. Uye kamuri rakatarisa kumusoro nderavaprista vanochengeta aritari. Ava ndivo vana vaZadhoki, vanova ndivo vaRevhi chete vangaswedera pedyo naJehovha kuti vashumire pamberi pake.”

47. Ipapo akayera ruvazhe: Rwakanga rwakaenzana mativi ose, makubhiti zana pakureba, uye makubhiti zana paupamhi. Uye aritari yakanga iri pamberi petemberi.

Temberi

48. Akandibudisira kubiravira retemberi ndokuyera mbiru dzebiravira, dzakanga dzina makubhiti mashanu kumativi ose. Upamhi hwesuo hwaiva makubhiti gumi namana uye madziro acho aionekera akanga ana makubhiti matatu paupamhi kumativi ose.

49. Biravira rakanga rina makubhiti makumi maviri paupamhi, uye makubhiti gumi namaviri kubva mberi kusvika shure. Ikoko kwaisvikwa nezvikwiriso, uye kwakanga kune mbiru parutivi rumwe norumwe rwedzimwe mbiru.