Mawindo aro, mabiravira aro uye miti yokushongedza yemichindwe, zvakanga zvakangoenzana nezviya zvesuo rakanga rakatarisa kumabvazuva. Zvikwiriso zvinomwe ndizvo zvaisvitsa ikoko, zvakatarisana nebiravira racho.