Ipapo akandipinza muruvazhe rwokunze. Ndakaona dzimba ikoko uye nzira dzakanga dzakavakirwa dzakakomberedza ruvazhe; makanga muna makamuri makumi matatu aiva mujinga menzira yakavakirwa.