Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mariro pamusoro peTire

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, ita mariro pamusoro peTire.

3. Uti kuTire, riri pamusoro unopinda kugungwa, mushambadziri wavanhu vamarudzi ose pazviwi zvizhinji, “Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Unoti, iwe Tire, “Ini ndakakwana parunako.”

4. Simba rako rakanga riri pamakungwa makuru; vavaki vako vakaita kuti runako rwako rusvike pakukwana.

5. Vakaita mapuranga ako ose emiti yemipaini inobva kuSeniri; vakatora musidhari waibva kuRebhanoni, kuti vakuitirei danda rokutsigira maseiri muchikepe.

6. Vakaita matanda okukwasva nawo omuouki aibva kuBhashani; namapuranga omusipuresi aibva kuzviwi zveSaipurasi vakaita uriri hwako namapuranga, ane nyanga dzenzou mukati.

7. Maseiri ako akanga ari omucheka wakaisvonaka wakarukwa waibva kuIjipiti, uye wakashandiswa somureza wako; zvifukidzo zvako zvamatende zvakanga zviri bhuruu nepepuru, zvaibva kuzviwi zveErisha.

8. Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.

9. Mhare dzoumhizha dzeGebhari vakanga varimo, savavaki vechikepe kuti vagadzirire vakwasvi vako. Zvikepe zvose zvegungwa navafambisi vazvo vakauya kuzotengeserana newe zvawakagadzira.

10. “ ‘Vanhu vokuPezhia, neRidhia nePuti vakashanda savarwi muhondo yako. Vakarembedza nhoo dzavo nenguwani pamasvingo ako, vachikuvigira mbiri.

11. Vanhu vokuArivhadhi nevokuHereki vakakomba masvingo ako kumativi ose; vanhu vokuGamadhi vakanga vari mushongwe dzako. Vakaturika nhoo dzavo pamasvingo ako; vakaita kuti runako rwako rukwane.

12. “ ‘Tashishi yakatengeserana newe nokuda kwepfuma yako huru yenhumbi; vakatsinhanisa sirivha, nesimbi, netini nedare zvokushambadzira zvako.

13. “ ‘Girisi, Tubhari neMesheki dzakatengeserana newe; vakatsinhanisa nhapwa nezvinhu zvendarira zvezvigadzirwa zvako.

14. “ ‘Varume veBheti Togarima vakatsinhanhisa mabhiza ebasa namabhiza ehondo namanyurusi kuti uzvishambadzire.

15. “ ‘Varume vokuRodhe vakatengeserana newe, uye zviwi zvizhinji zvakanga zviri nzvimbo dzako dzokutengesera; vaikuripira nenyanga dzenzou nomuti womuvanga.

16. “ ‘Aramu yakatengeserana newe nokuda kwezvibereko zvako zvizhinji; vakatsinhanisa matombo eturikoise nemicheka yepepuru, nezvakarukwa, nemicheka yakaisvonaka, nekorari namatombo amarubhi zvokutengesa zvako.

17. “ ‘Judha neIsraeri vakatengeserana newe, vakatsinhanisa gorosi neMiniti nezvinotapira, nouchi, namafuta nebhasami nezvigadzirwa zvako.

18. “ ‘Dhamasiko, rakatengeserana newe nokuda kwezvigadzirwa zvako zvizhinji nepfuma yenhumbi newaini yaibva kuHeribhoni newuru yaibva kuZahari.

19. “ ‘VaDhani navaGiriki vaibva kuUzari vakatenga zvawaishambadzira; vakatsinhanisa simbi yakabikwa, nekasia, nekaramo zvigadzirwa zvako.

20. “ ‘Dhedhani akatengeserana newe machira okugarira pamabhiza.

21. “ ‘Arabhia namachinda ose eKedhari vakanga vachikutengera; vakatengeserana newe namakwayana, namakondohwe nembudzi.

22. “ ‘Vashambadziri vokuShebha neRama vakatengeserana newe; pane zvawaishambadzira iwe ivo vakatsinhanisa namarudzi ezvinonhuwira ose uye namabwe anokosha, negoridhe.

23. “ ‘Harani, neKane neEdheni navashambadziri vokuShebha, Ashuri neKirimadhi vakatengesarana newe.

24. Vakatengeserana newe munzvimbo dzokutengesera nguo dzakaisvonaka, dzemicheka yebhuruu, nezvakarukwa, namachira amavara namabote akakoswa uye ana mafundo akasimba.

25. “ ‘Zvikepe zveTashishi zvakashanda pakutakura zvigadzirwa zvako. Iwe wakazadzwa nezvitakurwa zvinorema, ipo pamwoyo wegungwa.

26. Vakwasvi vako vanokutora voenda newe kumakungwa makuru. Asi mhepo yokumabvazuva ichakuputsa-putsa mumwoyo megungwa chaimo.

27. Pfuma yako, nenhumbi dzokutengesa nezvakagadzirwa, varairi navafambisi vako vezvikepe navagadziri vazvo, vashambadziri vako nevarwi vako vose, uye vose varimo vachanyura pakati pomwoyo wegungwa, pazuva rokuparadzwa kwechikepe chako.

28. Nyika dzokumahombekombe dzichadengenyeka nokudanidzira kwavafambisi vako vezvikepe.

29. Vose vanobata matanda okukwasva vachasiya zvikepe zvavo; vachairi nevafambisi vako vezvikepe vachandomira kumahombekombe.

30. Vachadanidzira namanzwi avo vagochema zvikuru pamusoro pako; vachakushira guruva pamisoro yavo vagoumburuka mumadota.

31. Vachaveura misoro yavo nokuda kwako, uye vachapfeka nguo dzamasaga. Vachachema pamusoro pako nokurwadza kwomwoyo, uye nokuchema kukuru.

32. Pavanoungudza nokuchema pamusoro pako, vachaita mariro pamusoro pako vachiti, “Ndianiko akashaya rokureva seTire, rakakomberedzwa negungwa?”

33. Pakabuda vashambadziri vako vachienda kugungwa, wakagutisa ndudzi zhinji, nepfuma yako huru uye nenhumbi dzako, wakapfumisa madzimambo enyika.

34. Zvino wakaputsanyiwa negungwa mumvura zhinji yakadzika; nhumbi dzako navanhu vako vose zvakanyura pamwe chete newe.

35. Vose vanogara muzviwi vanoshamiswa pamusoro pako; madzimambo avo anodedera nokutya, uye zviso zvavo zvakanganiswa nokutya.

36. Vashambadziri vari pakati pendudzi vanokuridzira muridzo; wasvika pamagumo anonyangadza uye hauchazovapozve.’ ”