Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezekieri 30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kuungudza pamusoro peIjipiti

1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

2. “Mwanakomana womunhu, profita uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: “ ‘Ungudza uti, “Haiwa, zuva iro!”

3. Nokuti zuva rava pedyo, zuva raJehovha rava pedyo, zuva ramakore, nguva yokuparadzwa kwendudzi.

4. Munondo uchauya pamusoro peIjipiti, uye kurwadziwa kuchauya pamusoro paEtiopia. Vakaurayiwa pavachawa muIjipiti, pfuma yake ichatakurwa ichienda kure uye nheyo dzayo dzichakoromorwa.

5. Etiopia nePuti, Ridhia neArabhia yose, Ribhiya navanhu venyika yesungano vachaurayiwa nomunondo pamwe chete neIjipiti.

6. “ ‘Zvanzi naJehovha, “ ‘Vanotsigira Ijipiti vachawa uye kuzvikudza kwesimba rayo kuchapera. Kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, vachaurayiwa nomunondo pakati pake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

7. “ ‘Vachaparadzwa pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta avo achava pakati pamaguta akaitwa matongo.

8. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

9. “ ‘Pazuva iro, nhume dzichabva kwandiri dziri muzvikepe kuti dzindotyisidzira Etiopia kuti abve pakuvarairwa kwake. Ucharwadziwa pazuva rokuparadzwa kweIjipiti, nokuti zvirokwazvo rinouya.

10. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichagumisa vanhu vose veIjipiti noruoko rwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.

11. Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyisa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.

12. Ndichaomesa hova dzeNairi, uye ndichatengesa nyika kuvanhu vakaipa; namaoko avatorwa ndichaparadza nyika nezvose zviri mairi. Ini Jehovha ndazvitaura.

13. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Ndichaparadza zvifananidzo nokugumisa mifananidzo yeMemufisi, muIjipiti hamuchazovizve nomuchinda, uye ndichaparadzira kutya munyika yose.

14. Ndichaita kuti Patirosi ive dongo, ndichapisa Zoani, uye ndicharanga Tebhesi.

15. Ndichadururira hasha dzangu pamusoro pePerusiami, iyo nhare yeIjipiti, uye ndichaparadza vanhu vose veTebhesi.

16. Ndichapisa Ijipiti; Perusiami ichazvonyongoka nokurwadziwa. Tebhesi richakukurwa nedutu; Memufisi ichagara iri munhamo.

17. Majaya okuHerioporisi neokuBhubhastisi achaurayiwa nomunondo, uye maguta achatapwa.

18. Rima ndiro richava masikati paTapanhesi, pandichavhuna joko reIjipiti; kuzvikudza kwesimba raro kuchapera ipapo. Richafukidzwa namakore, uye misha yaro ichaenda muutapwa.

19. Saka ndicharanga Ijipiti, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’ ”

20. Mugore regumi nerimwe, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,

21. “Mwanakomana womunhu, ndavhuna ruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Haruna kusungwa kuti rupore kana kuiswa chiseketo kuti ruve nesimba rokubata munondo.

22. Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka naFaro mambo weIjipiti. Ndichavhuna maoko ake ose ari maviri, ruoko rwakanaka norwakavhunika, ndigoita kuti munondo uwe kubva muruoko rwake.

23. Ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose.

24. Ndichasimbisa ruoko rwamambo weBhabhironi uye ndichaisa munondo wangu muruoko rwake, asi ndichavhuna maoko aFaro, uye achagomera pamberi pake somunhu akuvadzwa zvokuti achafa.

25. Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFaro acharembera pasi. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichaisa munondo muruoko rwamambo weBhabhironi agouvheyesa kuti arwise Ijipiti.

26. Ndichaparadzira vaIjipiti pakati pendudzi ndigovadzingira munyika dzose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”