Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Samueri 25:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Samueri akafa, uye Israeri yose yakaungana ikamuchema; uye vakamuviga pamusha pake muRama. Ipapo Dhavhidhi akaburuka akaenda kuRenje reMaoni.

2. Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, akanga achiveura paKarimeri.

3. Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake.

4. Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake.

5. Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu.

6. Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose!

7. “ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika.

8. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ”

9. Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira.

10. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya.

11. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?”

12. Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose.

13. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi.

14. Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka.

15. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Samueri 25