Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

VaDhani vanondogara muRaishi

1. Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri.

2. Saka vaDhani vakatuma varwi vashanu vaibva kuZora neEshitaori kuti vandoshora nyika nokuitarisisa. Varume ava vakanga vachimirira dzimba dzavo dzose. Vakavaudza kuti, “Endai munotarisisa nyika.” Varume vakapinda munyika yezvikomo yaEfuremu vakasvika paimba yaMika, vakavatapo.

3. Vakati vava pedyo nemba yaMika, vakaziva inzwi rejaya muRevhi; saka vakatsaukiramo vakamubvunza vachiti, “Ndianiko akakuuyisa kuno? Unobatei pano? Seiko uri pano?”

4. Akavataurira zvaakanga aitirwa naMika, uye akati, “Akandipa basa uye ndiri muprista wake.”

5. Ipapo vakati kwaari, “Tapota, tibvunzire Mwari kuti tizive kana rwendo rwedu ruchabudirira.”

6. Muprista akavapindura akati, “Endai henyu norugare. Rwendo rwenyu rwatendwa naJehovha.”

7. Saka varume vashanyi vaya vakabvapo vakandosvika kuRaishi, uko kwavakandoona kuti vanhu vakanga vagere zvakanaka, sezvakaita vaSidhoni, vasina chavanofungidzira uye vagere zvakanaka. Uye sezvo nyika yavo yakanga isingashayiwi chinhu, vakanga vakabudirira. Uyezve, vakanga vagere kure nava Sidhoni uye vakanga vasina ushamwari naani zvake.

8. Vakati vadzokera kuZora neEshitaori, hama dzavo dzakavabvunza dzikati, “Makazviona sei zvinhu imi?”

9. Vakapindura vakati, “Uyai, tivarwise! Takaona kuti nyika yacho yakanaka kwazvo. Hamungaiti chimwe chinhu here? Musanonoka kuendako kundoitora.

10. Pamunosvikako muchawana mumaoko enyu naMwari, nyika isina kana chainoshayiwa.”

11. Ipapo mazana matanhatu avarume vaibva paimba yavaDhani vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakasimuka vachibva kuZora neEshitaori.

12. Vari munzira yavo vakadzika misasa pedyo neKiriati Jearimi muJudha. Ndokusaka nzvimbo iri kumavirira eKiriati Jearimi ichinzi Mahane Dhani kusvikira zuva ranhasi.

13. Kubva ipapo vakaenda kunyika yezvikomo yaEfuremu uye vakasvika kumba kwaMika.

14. Ipapo varume vashanu vakanga vandoshora nyika yeRaishi vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti imwe yedzimba idzi ine efodhi, vamwe vamwari, chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa? Zvino imi munoziva zvokuita.”

15. Saka vakatsaukiramo vakaenda kumba kwejaya muRevhi kumba kwaMika vakandomukwazisa.

16. Mazana matanhatu avaDhani, vakapakata zvombo zvokurwa, vakamira pamukova wokupinda nawo pasuo.

17. Varume vashanu vakanga vandoshora nyika vakapinda mukati vakatora chifananidzo chakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa asi muprista namazana matanhatu avarume vakanga vakapakata zvombo zvokurwa nazvo vakamira pamukova wesuo.

18. Varume ava vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa, muprista akati kwavari, “Muri kuiteiko?”

19. Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?”

20. Ipapo muprista akafara. Akatora efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakavezwa akaenda pamwe chete navanhu.

21. Vakaisa vana vavo vaduku, zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo pamberi pavo, vakasimuka vakaenda.

22. Vakati vafamba chinhambwe kubva pamba yaMika varume vaigara pedyo naMika vakadanwa pamwe chete vakatevera vaDhani vakavabata.

23. Pavakadaidzira mushure mavo, vaDhani vakatendeuka vakati kuna Mika, “Wakaita seiko iwe, zvawadana vanhu vako kuti vazorwa?”

24. Akapindura akati, “Makatora vamwari vandakaita, uye muprista wangu mukaenda naye. Chii zvino chandasarirwa nacho? Mungabvunza seiko muchiti, ‘Wakaita seiko iwe?’ ”

25. VaDhani vakapindura vakati, “Usaita nharo nesu, kuti varume vane hasha varege kukurwisa, uye iwe nemhuri yako mukazorasikirwa noupenyu hwenyu.”

26. Saka vaDhani vakaenda zvavo, uye Mika, achiona kuti vakanga vaine simba kukunda iye, akadzoka akaenda kumusha kwake.

27. Ipapo vakatora zvakanga zvagadzirwa naMika, uye muprista wake, vakaenda kuRaishi, vakandorwa navanhu vakanga vasina chavanofungidzira vano rugare. Vakavauraya nomunondo vakavapisira maguta avo nomoto.

28. Pakanga pasina munhu anovanunura nokuti vaigara kure neSidhoni uye vasina ushamwari naani zvake. Guta rakanga riri mumupata waiva pedyo neBheti Rehobhi.VaDhani vakavakazve guta vakagaramo.

29. Vakaritumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo Dhani, akanga aberekerwa Israeri, kunyange raimbonzi Raishi.

30. Ikoko vaDhani vakazvimisira chifananidzo, uye Jonatani mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, uye vanakomana vake vakava vaprista vorudzi rwaDhani kusvikira panguva youtapwa hwenyika.

31. Vakaramba vachishandisa zvifananidzo zvakaitwa naMika, nguva dzose imba yaMwari payakanga iri muShiro.