Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

VaIsraeri vanorwa navaBhenjamini

1. Ipapo vaIsraeri vose kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha uye nokubva munyika yeGireadhi vakabuda somunhu mumwe chete vakaungana pamberi paJehovha muMizipa.

2. Vatungamiriri vavanhu vose vamarudzi eIsraeri vakandomira panzvimbo dzavo paungano yavanhu vaMwari, zviuru zvamazana mana zvavarwi vakapakata minondo.

3. (VaBhenjamini vakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vakwira kuMizipa.) Ipapo vakati, “Dotiudzai kuti chinhu chakaipisisa kudai chakaitika sei?”

4. Saka muRevhi, murume womukadzi akapondwa akati, “Ini nomurongo wangu takasvika paGibhea muBhenjamini kuti tindovatamo.

5. Panguva dzousiku, varume veGibhea vakauya kwandiri vakakomba imba vachida kundiuraya. Vakabata murongo wangu chibharo, uye akafa.

6. Ndakatora murongo wangu, ndikamugura-gura uye ndikatumira chidimbu chimwe chete kunharaunda imwe neimwe yenhaka yeIsraeri, nokuti ndivo vakaita chinhu ichi chinonyangadza uye nokuita kunonyadzisa muIsraeri.

7. Zvino, imi vaIsraeri mose, taurai uye mupe mutongo wenyu.”

8. Vanhu vose vakasimuka somunhu mumwe chete vakti, “Hakuna mumwe wedu achaenda kumba. Kwete, hakuna mumwe wedu achadzokera kumba kwake.

9. Asi zvino izvi ndizvo zvatichaita kuGibhea: Tichakwira kundorwa nayo sokuratidza kwomujenya.

10. Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.”

11. Saka varume vose veIsraeri vakaungana pamwe chete somunhu mumwe chete kuti vandorwisa guta.

12. Marudzi aIsraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vachiti, “Munoti kudiniko pamusoro pemhosva yakaipisisa yakaparwa pakati penyu?

13. Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.” Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri.

14. Vakabva mumaguta avo vakaungana pamwe chete paGibhea kuti vazorwa navaIsraeri.

15. Pakarepo vaBhenjamini vakaunganidza varume veminondo zviuru makumi maviri nezvitanhatu kubva mumaguta avo, pamusoro pamazana manomwe akasarudzwa kubva kuna avo vaigara muGibhea.

16. Pakati pavarwi ava vose pakanga pana mazana manomwe avarume vakasarudzwa vakanga vane ziboshwe, mumwe nomumwe wavo aigona kuposhera ibwe kutsuro asingapotsi.

17. KuIsraeri, kunze kwaBhenjamini vakaverenga varume veminondo zviuru mazana mana, vose vakanga vari varwi.

18. VaIsraeri vakakwira kuBheteri vakandobvunza Mwari. Vakati, “Ndiani wedu achatanga kundorwa navaBhenjamini?” Jehovha akapindura akati, “Judha ndiye achatanga kuenda.”

19. Fume mangwana, vaIsraeri vakamuka vakadzika misasa pedyo neGibhea.

20. Varume veIsraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini uye vakamira panzvimbo dzokurwa navo paGibhea.

21. VaBhenjamini vakabuda muGibhea uye vakauraya vaIsraeri zviuru makumi maviri nezviviri munhandare yehondo pazuva iroro.

22. Asi varume veIsraeri vakakurudzirana uyezve vakamira panzvimbo dzavo dzavakanga vatora pazuva rokutanga.

23. VaIsraeri vakakwira vakandochema pamberi paJehovha kusvikira madekwana, uye vakabvunza Jehovha. Vakati, “Tichakwirazve kundorwa navaBhenjamini, idzo hama dzedu here?” Jehovha akapindura akati, “Kwirai mundorwa navo.”

24. Ipapo vaIsraeri vakaswedera pedyo navaBhenjamini pazuva repiri.

25. Nguva iyi, vaBhenjamini pavakabuda kubva muGibhea kuti vandovarwisa, vakauraya vamwezve zviuru gumi nezvisere zvavaIsraeri, vose vakanga vakapakata minondo.

26. Ipapo vaIsraeri, vanhu vose vakakwira kuBheteri, uye ikoko vakandogara pasi vachichema pamberi paJehovha. Vakatsanya pazuva iro kusvikira madekwana uye vakapa kuna Jehovha zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana.

27. Uye vaIsraeri vakabvunza Jehovha. (Pamazuva iwayo, areka yesungano yaMwari yakanga iripo,

28. Uye Finehasi mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, achishumira pamberi payo.) Vakabvunza vakati, “Tichaendazve kundorwa naBhenjamini hama yedu here kana kuti kwete?” Jehovha akati, “Endai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu.”

29. Ipapo vaIsraeri vakandovandira vakakomberedza Gibhea.

30. Vakakwira kundorwa navaBhenjamini pazuva retatu uye vakamira panzvimbo dzavo dzehondo kuti varwe neGibhea sezvavakamboita kare.

31. VaBhenjamini vakabuda kuzosangana navo uye vakakwezverwa kure neguta. Vakatanga kubaya vaIsraeri sapakutanga, zvokuti varume vanenge makumi matatu vakafa musango uye nomumigwagwa, inoti mumwe unoenda kuBheteri nomumwe wacho kuGibhea.

32. VaBhenjamini pavaiti, “Tiri kuvakunda sapakutanga,” vaIsraeri vaiti, “Ngatidududzirei mumashure tivakwezvere kure neguta kumigwagwa.”

33. Varume vose veIsraeri vakafamba kubva panzvimbo dzavo uye vakandomira paBhaari Tamari, uye vaIsraeri vakanga vakavandira vakabuda munzvimbo dzavo pamavirira eGibhea.

34. Ipapo zviuru gumi zvavarume veIsraeri vakanga vakasarudzwa vakavarwisa nechemberi paGibhea. Kurwa kwakanga kwanyanya kwazvo zvokuti vaBhenjamini havana kuziva kuti njodzi yakanga yava pedyo zvakaita sei.

35. Jehovha akakunda Bhenjamini pamberi peIsraeri, uye pazuva iro vaIsraeri vakauraya vaBhenjamini, vose vakanga vakapakata minondo zviuru makumi maviri nezvishanu nezana rimwe chete.

36. Ipapo vaBhenjamini vakaona kuti vakanga vakundwa. Zvino varume veIsraeri vakanga vachitiza pamberi pavaBhenjamini, nokuti vakanga vachisimba nokuvandira kwavakanga varonga pedyo neGibhea.

37. Varume vakanga vakavandira vakapinda muGibhea pakarepo, vakapararira uye vakaparadza guta rose nomunondo.

38. Varume veIsraeri vakanga varonga navakanga vakavandira kuti vaifanira kubatidza moto unobuda utsi huzhinji muguta,

39. uye ipapo varume veIsraeri vaizodzoka kundorwa.VaBhenjamini vakanga vatotanga kuuraya varume veIsraeri (vanenge makumi matatu), uye vakati, “Tiri kuvakunda sapahondo yokutanga.”

40. Asi utsi pahwakatanga kukwira kubva muguta, vaBhenjamini vakacheuka vakaona utsi hweguta rose huchikwira kudenga.

41. Ipapo varume veIsraeri vakavadzokera, uye varume veBhenjamini vakavhundutswa, nokuti vakaziva kuti njodzi yakanga yavawira.

42. Saka vakatiza pamberi pavaIsraeri nenzira inoenda kurenje, asi havana kugona kupunyuka pahondo. Uye varume veIsraeri vakabuda kubva mumaguta vakavauraya ipapo.

43. Vakakomba vaBhenjamini, vakavadzinganisa vakavabata nyore nyore pedyo neGibhea nechokumabvazuva.

44. VaBhenjamini zviuru gumi nezvisere vakafa, vose vaiva varwi voumhare.

45. Vakati vadzoka vakatiza vakananga kurenje kuruware rwaRimoni, vaIsraeri vakauraya varume zviuru zvishanu (mumigwagwa). Vakaramba vachitevera vaBhenjamini kusvikira paGidhomi uye vakaurayazve vamwe zviuru zviviri.

46. Pazuva iroro, kwakafa varume vaBhenjamini veminondo zviuru makumi maviri nezvishanu, vose varwi voumhare.

47. Asi varume mazana matanhatu vakatendeuka vakatizira murenje kuruware rweRimoni, kwavakandogara kwemwedzi mina.

48. Varume veIsraeri vakadzokera kuBhenjamini uye vakaparadza maguta ose nomunondo, kusanganisira mhuka nezvimwe zvose zvavakawana. Maguta ose avakaona vakaapisa.