Testamende Yekare

Testamende Itsva

Kuungudza Kwajeremia 2:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rokutsamwa kwake.

2. Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa.

3. Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. Akadzosa ruoko rwake rworudyi pakasvika muvengi. Akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unoparadza zvose zviri kumativi ose.

4. Akawembura uta hwake somuvengi; ruoko rwake rworudzi rwagadzirira. Somuvengi akauraya vose vaifadza kuona; akadurura hasha dzake semoto patende roMwanasikana weZioni.

5. Ishe akafanana nomuvengi; akamedza Israeri. Akamedza mizinda yake yose uye akaparadza mhare dzake. Akawedzera kuchema nokuungudza kwoMwanasikana weJudha.

6. Akaparadza ugaro hwake sebindu; akaparadza nzvimbo yake yokusanganira Jehovha akaita kuti Zioni rikanganwe mitambo yaro yakatarwa namaSabata aro; mukutsamwa kwake kunotyisa, akaramba vose mambo nomuprista.

7. Ishe akaramba aritari yake uye akasiya nzvimbo yake tsvene. Akaisa mumaoko omuvengi masvingo emizinda yake; vakaita ruzha mumba maJehovha sapazuva romutambo wakatarwa.

8. Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwakakomberedza Mwanasikana weZioni. Akatambanudza rwodzi rwokuyera uye haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza. Akaita kuti mirwi namasvingo zviungudze; zvose zvakaparara pamwe chete.

9. Masuo aro anyura muvhu, akavhuna mazariro aro ndokuaparadza. Mambo waro namachinda aro vakaenda muutapwa pakati pendudzi, murayiro hapachina, uye vaprofita varo havachawanizve zviratidzo zvinobva kuna Jehovha.

10. Vakuru voMwanasikana weZioni vagere pasi vanyerere; vamwaya guruva pamisoro yavo ndokupfeka masaga. Vakadzi vechidiki veJerusarema vakotamisa misoro yavo pasi.

11. Meso angu aneta nokuchema, ndiri kurwadziwa mukati mangu, mwoyo wangu wadururirwa pasi nokuti vanhu vangu vaparadzwa, nokuti vana navacheche voziya munzira dzomuguta.

Verenga chitsauko zvakakwana Kuungudza Kwajeremia 2