Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 3:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

8. Mumwedzi wechipiri wegore rechipiri mushure mokunge vasvika paimba yaMwari muJerusarema, Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, naJeshua mwanakomana waJozadhaki nedzimwe hama dzavo dzose (vaprista navaRevhi uye navose vakanga vadzokera kuJerusarema) vachibva kuutapwa vakatanga kushanda vakagadza vaRevhi vana makore makumi maviri kana anopfuura kuti vave vatariri vokuvakwa kweimba yaJehovha.

9. Jeshua navanakomana vake nehama dzake naKadhimieri navanakomana vake (zvizvarwa zvaHodhavhia) navanakomana vaHenadhadhi navanakomana vavo nehama dzavo, navaRevhi vose vakabatana pamwe chete navo pakutarira vaishanda paimba yaMwari.

10. Zvino vavaki vakati vateya nheyo dzetemberi yaJehovha, vaprista vakapfeka nguo dzavo, uye vakabata hwamanda, navaRevhi (vanakomana vaAsafi) vakabata makandira, vakamira munzvimbo dzavo kuti varumbidze Jehovha, sezvakanga zvarayirwa naDhavhidhi mambo weIsraeri.

11. Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti: “Jehovha akanaka; rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi.” Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.

12. Asi vazhinji vavaprista navaRevhi vakanga vakwegura navakuru vedzimba dzavo, avo vakanga vaona temberi yokutanga, vakachema nenzwi guru apo vakaona nheyo dzetemberi iyi dzichiteyiwa, asi vamwe vazhinji vaipururudza nomufaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 3