Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ezira 10:10-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Ipapo Ezira muprista akasimuka akati kwavari, “Makatadza; makawana vakadzi vatorwa, mukawedzera mhosva yaIsraeri.

11. Zvino reururai kuna Jehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu, uye mugoita kuda kwake. Zvitsaurei kubva kumarudzi avanhu akakupoteredzai uye kubva kuvakadzi venyu vatorwa.”

12. Ungano yose yakapindura nenzwi guru ikati, “Zvamataura ndizvo! Tinofanira kuita sezvamataura.

13. Asi pane vanhu vakawanda pano uye inguva yokunaya kwemvura; saka hatingamire panze. Pamusoro pezvo basa iri harigoni kuitwa nezuva rimwe chete kana mazuva maviri, nokuti takatadza zvikuru nokuda kwechinhu ichi.

14. Machinda edu ngavamiririre ungano yose. Ipapo mumwe nomumwe mumaguta edu akawana mukadzi mutorwa auye panguva dzakatarwa, pamwe chete navakuru navatongi veguta rimwe nerimwe, kusvikira kutsamwa kwaMwari kukuru kwabviswa kwatiri.”

15. Jonatani mwanakomana waAsaeri naJazeya mwanakomana waTikivha, vachitsigirwa naMeshurami naShabhetai muRevhi, ndivo chete vakapikisa izvi.

16. Nokudaro vatapwa vakaita zvakanga zvataurwa. Ezira muprista akasarudza varume vakanga vari vakuru vemhuri, mumwe chete kubva kumhuri yamadzibaba avo, uye vose vachizivikanwa namazita avo. Pazuva rokutanga romwedzi wegumi vakagara pasi vakatanga kutonga nyaya idzi,

17. uye pazuva rokutanga romwedzi wokutanga vakanga vapedza kutonga varume vose vakanga vawana vakadzi vatorwa.

18. Pakati pezvizvarwa zvavaprista, ava ndivo vakanga vawana vakadzi vatorwa: Kubva kuzvizvarwa zvaJeshua mwanakomana waJozadhaki nehama dzake: Maaseya, Eriezeri, Jaribhu naGedharia.

19. Vose vakapika namaoko avo kuti vachadzinga vakadzi vavo, uye pamhosva dzavo mumwe nomumwe wavo akapa gondohwe kubva pamakwai ake sechipiriso chechivi.

20. Kubva kuzvizvarwa zvaImeri: Hanani naZebhadia.

21. Kubva kuzvizvarwa zvaHarimu: Maaseya, Eria, Shemaya, Jehieri naUzia.

Verenga chitsauko zvakakwana Ezira 10