Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Dhavhidhi anoverenga varume vokurwa

1. Kutsamwa kwaMwari kwakava pamusoro pavaIsraeri zvakare, uye akakurudzira Dhavhidhi achiti, “Enda undoverenga vaIsraeri navaJudha.”

2. Saka mambo akati kuna Joabhu navakuru vehondo vaiva naye, “Endai pakati pamarudzi ose avaIsraeri kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha mundonyora varume vokurwa, kuti ndizive kuti vangani varipo.”

3. Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Jehovha Mwari wenyu ngaawanze varwi kakapetwa kupfuura rune zana, uye meso ashe wangu mambo azvione. Asi ishe wangu mambo anodireiko kuita chinhu chakadai?”

4. Kunyange zvakadaro, shoko ramambo rakakunda raJoabhu navatungamiri vehondo; saka vakabva pamberi pamambo kuti vandonyora varume vokurwa muIsraeri.

5. Shure kwokuyambuka Jorodhani, vakadzika matende avo pedyo neAroeri, zasi kweguta riri mumupata, uye ipapo vakaenda napakati peGadhi nokuJazeri.

6. Vakaenda kuGireadhi nokudunhu reTahitimi Hodhishi, uye napaDhani Joani uye vakapoterera nokuSidhoni.

7. Ipapo vakaenda vakananga kunhare yeTire nokumaguta ose avaHivhi navaKenani. Pakupedzisira, vakaenda kuBheerishebha zasi kweJudha.

8. Mushure mokuenda kwavo munyika yose, vakadzoka kuJerusarema papera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri.

9. Joabhu akazivisa uwandu hwavanhu kuna mambo akati: MuIsraeri makanga mune mazana masere ezviuru zvavarume vakanga vakasimba uye vaigona kubata munondo, uye muJudha maiva namazana mashanu ezviuru.

10. Hana yaDhavhidhi yakarova shure kwokuverenga kwake varume vokurwa, akati kuna Jehovha, “Ndatadza zvikuru pane zvandaita. Haiwa Jehovha, zvino ndinokukumbirai, bvisa mhaka yomuranda wenyu. Ndaita chinhu choupenzi kwazvo.”

11. Zvino Dhavhidhi akati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kuna Gadhi muprofita, muoni waDhavhidhi richiti,

12. “Enda undoudza Dhavhidhi kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndiri kukupa zvinhu zvitatu. Sarudza chimwe chete chazvo kuti ndichiite pamusoro pako.’ ”

13. Saka Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Unoda kuti munyika yako muve nenzara kwamakore matatu here? Kana kuti mwedzi mitatu yokutiza kubva kuvavengi vako ivo vachikudzinganisa? Kana kuti mazuva matatu edenda munyika yako? Zvino funga pamusoro pazvo ugosarudza kuti ndingandopindura sei iye andituma.”

14. Dhavhidhi akati kuna Gadhi, “Ndiri pakutambudzika kukuru. Ngatiwirei hedu mumaoko aJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru; asi musandirega ndichiwira mumaoko avanhu.”

15. Saka Jehovha akatuma denda pamusoro peIsraeri kubva mangwanani iwayo kusvikira panguva yakatarwa, uye vanhu zviuru makumi manomwe vakafa kubva kuDhani kusvikira kuBheerishebha.

16. Mutumwa akati atandavadza ruoko rwake kuti aparadze Jerusarema, Jehovha akazvidemba nokuda kwenjodzi iyi akati kumutumwa akanga achiparadza vanhu, “Zvaringana! Dzora ruoko rwako.” Mutumwa waJehovha ipapo akanga ava paburiro raArauna muJebhusi.

17. Dhavhidhi akati aona mutumwa akanga achiuraya vanhu, akati kuna Jehovha, “Ini ndini ndakatadza uye ndikaita zvakaipa. Ava vanongova havo makwai chete. Chiiko chavakaita? Ruoko rwenyu ngaruwire pamusoro pangu ini nemhuri yangu.”

Dhavhidhi anovaka Aritari

18. Pazuva iro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akati kwaari, “Kwira undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.”

19. Saka Dhavhidhi akakwira sezvaakanga arayirwa naJehovha kubudikidza naGadhi.

20. Arauna akati atarisa akaona mambo navanhu vake vachiuya vakananga kwaari, akabuda akandokotamira pasi pamberi pamambo chiso chake chakatsikitsira pasi.

21. Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.”

22. Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, uye iyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni.

23. Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.”

24. Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro uye nenzombe uye akazvipira makumi mashanu amashekeria esirivha.

25. Dhavhidhi akavakira Jehovha aritari ipapo uye akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana. Ipapo Jehovha akapindura munyengetero wokukumbirira nyika, uye denda rikapera pamusoro peIsraeri.