Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Samueri 23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mashoko Okupedzisira aDhavhidhi

1. Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:“Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese,Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro,murume akazodzwa naMwari waJakhobho, muimbi wenziyo waIsraeri:

2. “Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.

3. Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri:‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,

4. akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore,sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’

5. “Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?Nokuti akaita sungano isingaperi neni,yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose.Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?

6. Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,isingaunganidzwi noruoko.

7. Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo;uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”

Varwi vane simba vaDhavhidhi

8. Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.

9. Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,

10. asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.

11. Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.

12. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.

13. Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.

14. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.

15. Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”

16. Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.

17. Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.

18. Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.

19. Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.

20. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhuzeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.

21. Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

22. Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.

23. Iye akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.

24. Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:Asaheri munun'una waJoabhu,Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,

25. Shama muHarodhi,Erika muHarodhi,

26. Herezi muPariti,Ira mwamakomana waIkeshi aibva kuTekoa,

27. Abhiezeri aibva kuAnatoti,Mebhunai muHushati,

28. Zarimoni muAhohi,Maharai muNetofati,

29. Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,

30. Bhenaya muPiratoni,Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,

31. Abhi-Aribhoni muAribhati,Azimavheti muBharuhumi,

32. Eriabha muShaaribhoni,mwanakomana waJasheni,Jonatani

33. mwanakomana waShama muHarari,Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,

34. Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,

35. Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,

36. Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,

37. Zereki muAmoni,Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,

38. Ira muItiri,Garebhi muItiri

39. naUria muHiti.Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.