Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Amazia Mambo weJudha

1. Mugore rechipiri raJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akatanga kutonga.

2. Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi maviri namapfumbamwe. Zita ramai vake rainzi Jehoadhini vakanga vachibva muJerusarema.

3. Iye akaita zvakanaka pamberi paJehovha, asi kwete sezvakaitwa nababa vake Dhavhidhi. Pazvinhu zvose akatevera muenzaniso wababa vake Joashi.

4. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachipa zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko.

5. Mushure mokunge umambo hwanyatsosimba mumaoko ake, akauraya vabati vaya vakauraya baba vake iye mambo.

6. Asi haana kuuraya vanakomana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku romurayiro waMozisi sezvakarayira Jehovha paakati, “Madzibaba haazourayiwi nokuda kwavana vavo, uye vana havaurayiwi nokuda kwamadzibaba avo mumwe nomumwe anofanira kufira zvivi zvake.”

7. Iye ndiye akakunda gumi rezviuru zvavaEdhomu muMupata woMunyu uye akapamba Sera muhondo, akaritumidza kuti Jokiteeri, rinova zita raro kusvikira nhasi.

8. Ipapo Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi, mwanakomana waJehu, mambo weIsraeri, akati, “Uya tionane.”

9. Asi Jehoashi mambo weIsraeri akapindura Amazia mambo weJudha akati, “Rukato rwomuRebhanoni rwakatuma nhume kumusidhari womuRebhanoni, rukati, ‘Ipa mwanasikana wako kuti awanikwe nomwanakomana wangu.’ Ipapo mhuka yesango yomuRebhanoni yakauyapo ikatsika-tsika rukato netsoka dzayo.

10. Zvirokwazvo wakakunda Edhomu asi zvino wava kuzvikudza. Zvirumbidze hako pakukunda kwako, asi ugare kumba! Seiko wava kutsvaka bongozozo kuti uzviwisire pasi iwe pamwe chete neJudha?”

11. Kunyange zvakadaro, Amazia haana kuda kuteerera, naizvozvo Jehoashi mambo weIsraeri akamurwisa. Iye naAmazia mambo weJudha vakasangana paBheti Shemeshi muJudha.

12. VaJudha vakakundwa navaIsraeri, murume mumwe nomumwe akatizira kumusha kwake.

13. Jehoashi mambo weIsraeri akabata Amazia mambo weJudha, mwanakomana waJoashi, mwanakomana waAhazia, paBheti Shemeshi. Ipapo Jehoashi akaenda kuJerusarema akandoputsa rusvingo rweJerusarema kubva kuSuo raEfuremu kusvikira paSuo repaKona chikamu chinosvika makubhiti mazana manaa.

14. Akatora goridhe rose nesirivha yose nemidziyo yose yakawanikwa iri mutemberi yaJehovha nomumatura omumuzinda wamambo. Akatorawo vasungwa ndokubva adzokera kuSamaria.

15. Zvino zvimwe zvokutonga kwaJehoashi, nezvaakaita uye kubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

16. Jehoashi akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri. Jerobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

17. Amazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha akararama kwamakore gumi namashanu mushure mokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo weIsraeri.

18. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaAmazia, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

19. Vakaita rangano yakaipa pamusoro pake muJerusarema, iye akatizira kuRakishi, asi vakatuma varume vakamutevera kuRakishi vakamuurayira ikoko.

20. Akadzoswa namabhiza vakamuviga muJerusarema pamwe chete namadzibaba ake, muGuta raDhavhidhi.

21. Ipapo vanhu vose veJudha vakatora Azaria, akanga ane makore gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia.

22. Ndiye akavakazve Erati akaridzorera kuna Judha mushure mokunge Amazia azorora namadzibaba ake.

Jerobhoamu weChipiri Mambo weIsraeri

23. Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe.

24. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite.

25. Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa.

26. Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira.

27. Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.

28. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

29. Jerobhoamu akazorora namadzibaba ake, madzimambo eIsraeri. Zekaria mwanakomana wake akamutevera paumambo.