Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Ahazia Mambo weJudha

1. Mugore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazia mwanakomana waJotamu mambo weJudha akatanga kutonga uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu.

2. Ahazia akanga ava namakore makumi maviri paakava mambo. Haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.

3. Akafamba munzira dzamadzimambo eIsraeri, uye akasvika pakubayira vanakomana vake mumoto achitevera zvainyangadza zvedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

4. Akabayira zvibayiro uye akapisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira, pamusoro pezvikomo napasi pemiti yose yakapfumvutira.

5. Ipapo Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema vakakomba Ahazia, asi havana kugona kumukunda.

6. Panguva iyoyo, Rezini mambo weAramu akadzorera Erati kuna Aramu nokudzinga varume veJudha. VaEdhomu vakapinda muErati uye ndimo mavanogara kusvikira nhasi.

7. Ahazia akatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiria akati, “Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu. Uyai kuno mundinunure kubva muruoko rwamambo weAramu norwamambo weIsraeri vari kundirwisa.”

8. Ahazia akatora sirivha negoridhe zvakanga zvawanikwa mutemberi yaJehovha nomumatura omuzinda wamambo akazvitumira sechipo kuna mambo weAsiria.

9. Mambo weAsiria akamunzwa ndokubva andorwisa Dhamasiko akarikunda. Akaendesa vanhu varo kuKiri uye akauraya Rezini.

10. Ipapo Mambo Ahazia akaenda kuDhamasiko kundosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiria. Akaona aritari muDhamasiko ndokubva atumira mufananidzo wearitari kuna Uria muprista, nerondedzero yamavakirwo ayo.

11. Saka muprista Uria akavaka aritari maererano namavakirwo ose akanga atumwa naMambo Ahazia kubva kuDhamasiko, akaipedza Mambo Ahazia asati adzokako.

12. Mambo akati adzoka kubva kuDhamasiko akaona aritari akasvika pairi akapa zvipiriso pairi.

13. Akapa chipiriso chinopiswa, rechipiriso chezviyo, akadururapo chipiriso chake chokunwa uye akasasa ropa nezvipiriso zvokuwadzana pamusoro pearitari.

14. Aritari yendarira yakanga yakamiswa pamberi paJehovha, akaibvisa kumberi kwetemberi kuti abve pakati pearitari itsva netemberi yaJehovha, uye akaiisa kudivi rokumusoro kwearitari itsva.

15. Ipapo Mambo Ahazia akarayira muprista Uria mirayiro iyi akati, “Pamusoro pearitari huru, upe chipiriso chinopiswa chamangwanani, uye manheru chipiriso chezviyo, chipiriso chinopiswa chamambo nechipiriso chake chezviyo, uye chipiriso chinopiswa chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo chezviyo, nezvipiriso zvavo zvokunwa. Usase paaritari, ropa rose rezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro. Asi ndichashandisa aritari yendarira pakutsvaka kutungamirirwa.”

16. Naizvozvo muprista Uria akaita sezvaakanga arayirwa naMambo Ahazia.

17. Ipapo mambo Ahazia akabvisa mapuranga omumativi uye akabvisawo madhishi pazvigadziko zvinofambiswa. Akabvisa Gungwa kubva panzombe dzendarira dzairitsigira akarigadzika pahwaro hwedombo.

18. Akabvisa denga reSabata rakanga rambovakwa patemberi uye akabvisa suo ramambo kunze kwetemberi yaJehovha, kuti akudze mambo weAsiria.

19. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAhazia, uye zvaakaita iye, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?

20. Ahazia akazorora namadzibaba ake akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake akamutevera paumambo.