Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kuwa kweJerusarema

1. Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza.

2. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia.

3. Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu.

4. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha,

5. asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye uye vakapararira.

6. Iye akabatwa. akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa.

7. Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi.

8. Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.

9. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha.

10. Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema.

11. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.

12. Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.

13. Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nengoro neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.

14. Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.

15. Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.

16. Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nengoro, zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, zvakanga zvakawanda zvokuti zvaisagona kuyerwa.

17. Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namaserea. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatub uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.

18. Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa.

19. Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mutariri wavarume vokurwa navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika uye navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta.

20. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura.

21. Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo.

22. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha.

23. Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo.

24. Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.”

25. Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa.

26. Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi.

Jehoyakini anosunungurwa

27. Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri.

28. Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi.

29. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake.

30. Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.