Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25

Testamende Yekare

Testamende Itsva

2 Madzimambo 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Ataria naJoashi

1. Ataria mai vaAhazia vakati vaona kuti mwanakomana wavo akanga afa, vakapfuurira mberi nokuparadza veimba youmambo vose.

2. Asi Jehoshebha, mwanasikana waMambo Jehoramu nehanzvadzi yaAhazia, vakatora Joashi mwanakomana waAhazia ndokumuba kubva pakati pavana voumambo, vakanga vava pedyo nokuurayiwa. Akamuisa muimba yake yokurara nomureri wake achimuvanza kubva pana Ataria; saka haana kuurayiwa.

3. Akagara akavigwa iye nomureri wake mutemberi yaJehovha kwamakore matanhatu, Ataria achiri kutonga nyika.

4. Mugore rechinomwe Jehoyadha akatuma vatungamiri vezvikwata zvezana, navarindi akaita kuti vauyiswe kwaari kutemberi yaJehovha. Akaita sungano navo akavaitisa mhiko mutemberi yaJehovha. Ipapo akavaratidza mwanakomana wamambo.

5. Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kuita: Imi muri mumapoka matatu ari kuenda pabasa nomusi weSabata, chetatu chenyu chinofanira kurinda muzinda wamambo,

6. chetatu paSuo reSuri, uye chetatu pasuo riri seri kwomurindi, anoita madzoro okurinda temberi,

7. uye imi vari mune mamwe mapoka maviri anochizorora musi weSabata, mose munofanira kurinda temberi muchiitira mambo.

8. Mugare makakomba mambo, murume mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake. Ani naani anosvika panzvimbo dzenyu anofanira kufa. Mugare pedyo namambo kwose kwose kwaanoenda.”

9. Vatungamiri vezvikwata zvezana vakaita sezvakanga zvarayirwa naJehoyadha muprista. Mumwe nomumwe akatora vanhu vake, vaya vakanga vachienda pabasa nomusi weSabata navaya vakanga vapedza dzoro vakauya kuna Jehoyadha muprista.

10. Ipapo akapa vakuru vehondo mapfumo nenhoo zvaimbova zvaMambo Dhavhidhi zvaiva mutemberi yaJehovha.

11. Varindi, vakagara vakakomba mambo pedyo nearitari netemberi, mumwe nomumwe akabata chombo muruoko rwake, kubva kurutivi rwezasi kusvikira kurutivi rwezasi rwetemberi.

12. Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo uye akadzika korona mumusoro wake; akamupa rugwaro rwesungano uye akamuita mambo. Vakamuzodza, vanhu vakauchira maoko avo uye vakadanidzira vakati, “Mambo ngaararame nokusingaperi!”

13. Ataria akati anzwa mheremhere yaiitwa navarindi uye navanhu, akaenda kuvanhu patemberi yaJehovha.

14. Akatarira ndokuona hoyo mambo, akamira pambiru, saiyo yaiva tsika yacho. Vakuru navaridzi vehwamanda vakanga vari parutivi rwamambo, uye vanhu vose venyika vakanga vachifara vachiridza hwamanda. Ipapo Ataria akabvarura nguo dzake akadanidzira achiti, “Vandimukira! Vandimukira!”

15. Jehoyadha muprista akarayira vatungamiri vezvikwata zvezana, vaitungamirira mauto akati: “Mubudisei kunze nechapakati pemisara mugouraya ani naani anomutevera.” Nokuti muprista akanga ati, “Haafaniri kuurayirwa mutemberi yaJehovha.”

16. Naizvozvo vakamubata paakasvika panzvimbo yaipinda namabhiza pamuzinda, vakamuurayira ipapo.

17. Ipapo Jehoyadha akaita sungano pakati paJehovha namambo uye navanhu kuti vaizova vanhu vaJehovha. Akaitawo sungano pakati pamambo navanhu.

18. Vanhu vose venyika vakaenda kutemberi yaBhaari vakaiputsira pasi. Vakaputsa aritari dzezvifananidzo uye vakaurayawo Matani, muprista waBhaari, pamberi pearitari. Ipapo Jehoyadha muprista akagadza varindi patemberi yaJehovha.

19. Akatora vatungamiri vamazana, navaKari, navarindi uye vanhu vose venyika, vakaburutsa mambo kubva kutemberi yaJehovha vakaenda naye kumuzinda pamwe chete, vakapinda nokusuo ravarindi. Ipapo mambo akatora nzvimbo yake pachigaro choushe,

20. vanhu vose venyika vakafara. Guta rakanyarara, nokuti Ataria akanga aurayiwa nomunondo pamuzinda.

21. Joashi akanga ana makore manomwe paakatanga kutonga.