Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 14:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Panguva iyoyo Abhija, mwanakomana waJerobhoamu, akarwara,

2. uye Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava.

3. Tora zvingwa gumi, makeke negaba rouchi ugoenda nazvo kwaari. Achakuudza zvichaitika kumukomana.”

4. Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro. Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaone nokuti akanga akwegura.

5. Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”

6. Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka.

7. Enda undoudza Jerobhoamu kuti izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, Mwari waIsraeri: ‘Ndakakusimudza kubva pakati pavanhu ndikakuita mutungamiri wavanhu vangu Israeri.

8. Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.

9. Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.

10. “ ‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasu-nunguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu.

11. Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’

12. “Kana uriwe, dzokera kumba. Panotsika tsoka yako muguta rako, mwanakomana achafa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 14