Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”