Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 13:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha, ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ”

3. Musi mumwe chete iwoyo munhu waMwari akapa chiratidzo akati, “Ichi ndicho chiratidzo chataurwa naJehovha: Aritari ichatsemuka uye madota ari pamusoro payo acharasirwa pasi.”

4. Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.

5. Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.

6. Ipapo mambo akati kumunhu waMwari, “Ndinamatirewo kuna Jehovha Mwari wako uchindinamatira kuti ruoko rwangu ruporeswe.” Naizvozvo munhu waMwari akamunamatira kuna Jehovha ruoko rwamambo rukaporeswa rukaita sezvarwakanga rwakaita pakutanga.

7. Mambo akati kumunhu waMwari, “Handei kumba kwangu undowana zvaungadya, uye ndichakupa chipo.”

8. Asi munhu waMwari akapindura mambo akati, “Kunyange maindipa hafu yezvose zvamunazvo, handaimboenda nemi, uye handaimbodya chingwa kana kunwa mvura kuno.

9. Nokuti ndakarayirwa neshoko raJehovha kuti, ‘Haufaniri kudya chingwa kana kunwa mvura kana kudzoka nenzira yawabva nayo.’ ”

10. Saka akaenda neimwe nzira uye haana kudzokera nenzira yaakanga auya nayo kuBheteri.

11. Zvino paiva nomumwe muprofita akanga ava harahwa aigara muBheteri, vana vake vakauya vakamuudza zvose zvakanga zvaitwa nomunhu waMwari musi iwoyo muBheteri. Vakaudzawo baba vavo zvaakanga ataura kuna mambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 13