Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 11:31-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

31. chose chichabuda napamukova weimba yangu kuzosangana neni pakudzoka kwangu ndakunda vaAmoni, chichava chaJehovha, uye ndichachibayira sechipiriso chinopiswa.”

32. Ipapo Jefuta akabuda kundorwa navaAmoni, uye Jehovha akavapa mumaoko ake.

33. Akaparadza maguta makumi maviri kubva kuAroeri kusvikira pedyo neMiniti, akandoguma kuAbheri Keramimi. Nokudaro Israeri yakakunda Amoni.

34. Jefuta akati odzokera kumusha kwake kuMizipa, ndiani akazouya kuzomuchingamidza kunze kwomwanasikana wake, achitamba, matamborini achiridzwa! Ndiye akanga achingova mwana wake oga. Akanga asina mwanakomana kana mwanasikana kunze kwake iye oga.

35. Akati achimuona akabvarura nguo dzake uye akachema achiti, “Haiwa mwanasikana wangu! Wandishungurudza nokuti ndaita mhiko kuna Jehovha yandisingagoni kuputsa.”

36. Akapindura akati, “Baba vangu, mapa shoko renyu kuna Jehovha. Ndiitirei henyu sezvamakavimbisa, sezvo zvino Jehovha akatsivira vavengi venyu, ivo vaAmoni.

37. Asi nditenderei henyu chikumbiro chimwe chete ichi, Ndipei henyu mwedzi miviri kuti ndiende kuzvikomo uye ndinochema pamwe chete neshamwari dzangu, nokuti handichatongowanikwi.”

38. Iye akati, “Ungaenda hako.” Uye akamutendera kuti aende kwemwedzi miviri. Iye navamwe vasikana vakaenda kuzvikomo vakandochema nokuti akanga asingazombowanikwi.

39. Shure kwemwedzi miviri akadzoka kuna baba vake uye vakaita kwaari sezvavakanga vapika. Uye akanga ari mhandara.Ndipo pakabva tsika yavaIsraeri

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 11