Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 10:5-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Jairi paakafa, akavigwa muKamoni.

6. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari uye vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha uye vakasazomushumirazve,

7. iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia uye navaAmoni,

8. avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere.

9. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru.

10. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.”

11. Jehovha akapindura akati, “Pamakadzvinyirirwa navaIjipita, vaAmori, vaAmoni, vaFiristia,

12. vaSidhoni, vaAmareki, navaMaoni uye mukachema kwandiri kuti ndikubatsirei, handina kukuponesai mumaoko avo here?

13. Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve.

14. Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!”

15. Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.”

16. Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri.

17. VaAmoni pavakadanwa kuhondo uye vakadzika musasa muGireadhi, vaIsraeri vakaungana vakadzika musasa paMizipa.

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 10