Testamende Yekare

Testamende Itsva

Vatongi 10:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri.

4. Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi.

5. Jairi paakafa, akavigwa muKamoni.

6. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari uye vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha uye vakasazomushumirazve,

7. iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia uye navaAmoni,

8. avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere.

9. VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru.

10. Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.”

Verenga chitsauko zvakakwana Vatongi 10