Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Rwiyo Rukuru Rwasoromoni 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

2. Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

3. Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?”

4. Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, iye anodiwa nomwoyo wangu. Ndakamubata ndikasamuregedza kusvikira ndaenda naye kumba kwamai vangu, kuimba yaavo vakandibereka.

5. Vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai nemhara kana nenondo dzesango kuti: usazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

6. Ndianiko uyo ari kuuya achibva nokurenje seshongwe youtsi ine munhuwi wemura, nezvimwe zvinonhuwira zvakagadzirwa nezvikuyiwa zvinonhuwira zvavashambadzi?

7. Tarirai! Ndiyo ngoro yaSoromoni, yakachengetedzwa nemhare makumi matanhatu dzamachinda, apamusoro-soro omuIsraeri.

8. Mumwe nomumwe wavo ane munondo parutivi rwake, vakagadzirira kutarisana nezvinotyisa usiku.

9. Mambo Soromoni akazvigadzirira ngoro; akaigadzira nemiti yokuRebhanoni.

10. Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha, pokuzembera musana pakagadzirwa negoridhe. Pokugara pakashongedzwa nejira repepuru, mukati mayo makashongedzwa norudo navanasikana veJerusarema.

11. Budai imi vanasikana veZioni, muzoona Mambo Soromoni akapfeka korona, korona yaakapfekedzwa namai vake musi wesvitsa, zuva iro mwoyo wake wakafara.